Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 9:1-6

1 Vakorinde 9:1-6 SCLB

Handisi munhu akasununguka here? Handisi mupositori here? Handina kuona Jesu Kristu Tenzi wedu here? Imi hamusi muchero webasa rangu here muna Tenzi? Kana ndisiri mupositori kuna vamwe asi kwamuri ndiri mupositori nokuti imi ndimi chokuratidza nacho kuti ndiri mupositori muna Tenzi. Izvi ndizvo zvandingazvidzivirire nazvo kana vanhu vavakunditsoropodza. Hatina mvumo here nechokudya chedu nechokunwa chedu? Hatina mvumo here yokuperekedzwa nomukadzi hama savamwe vapositori kana vakomanavanun'una vaTenzi uye Kefasi kana kuti ini naBhanabhasi chete ndisu tisina mvumo yokurega kushandira chokutiraramisa?