Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 7:1-24

1 Vakorinde 7:1-24 SCLB

Panyaya dzamakanyora, zvakanaka kuti murume arege zvake kumbobata munhukadzi. Asi pamusana peupombwe huriko, murume oga oga anofanira kuva nomukadzi wake uyewo mukadzi mumwe nomumwe anofanira kuva nomurume wake. Murume anofanira kupa mukadzi wake zvaanofanira kumupa somurume wake, ndizvozvowo nomukadzi kumurume wake. Mukadzi haana simba pamusoro pomuviri wake asi murume wake; murumewo haana simba pamusoro pomuviri wake asi mukadzi wake. Regai kunyimana, kunze kokunge mabvumirana kuregera kwechinguva, kuti mumbonamata, asi mozodzokerana zvakare nokuti Satani angadaro akakuedzai nokutadza kuzvibata. Handisi kutaura izvi kwamuri somutemo asi kukubairai zanhi. Ini ndingatoda kuti dai vanhu vose vakaita zvandakaita ini. Zvakadaro zvazvo, vanhu vose vakapiwa zvipo zvakasiyana–siyana, munhu nomunhu achipiwa naMwari chipo chisina vamwe. Kuna vasina kuroora nechirikadzi, ndinoti zviri nani kwavari kuramba vasina kuwana sezvandiri. Asi kana vasingakwanisi kuzvibata ngavawane nokuti zvirinani kuwana pano kutsva nehavi. Kuna vakaroorana ndinopa murawo, kwete ini asi Tenzi, wokuti mudzimai haafaniri kusiyana nomurume wake. Asi akasiyana naye ngaarambe asina murume, kana kuti ngaadzokerane nomurume wake. Murumewo ngaarege kuramba mukadzi wake. Kuna vamwe imi mose, ini, kwete Tenzi, ndinoti kana hama munamati ino mudzimai asiri mutendi asi anobvuma zvake kugara naye, haafaniri kumuramba. Mudzimaiwo, kana aine murume asiri mutendi anobvuma zvake kugara naye haafaniri kumuramba. Chikonzero chacho ndechokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomukadzi wake uyewo mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene pamusana pomurume wake. Dai zvisina kudaro vana venyu vangadai vakan'ora asi sezvazviri, vatsvene. Asi kana uyo asingatendi achida kuti vasiyane, ngavasiyane. Pakadaro hama munamati yakasununguka nokuti Mwari akatidanira rugare. Iwe mudzimai ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa murume wako? Newewo murume ungazive sei kuti zvimwe uchaponesa mudzimai wako? Chiripo zvacho ndechokuti munhu wose ngaagare upenyu hwaakapiwa naTenzi uye hwaakadaidzirwa naMwari. Iwoyo ndiwo mutemo wangu mumasangano ose. Pano munhu akanga akadzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kuvanziridza kudzingiswa kwake. Pana akanga asina kudzingiswa here panguva yaakadaidzwa? Ngaarege kudzingiswa. Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna zvakunoreva asi kuchengeta mitemo yaMwari. Munhu wose ngaarambe ari zvaakanga ari paakadaidzwa. Wakanga uri muranda here pawakadanwa, hazvina mhosva, asi kana uchigona kuwana rusununguko rwako chawawana batisisa, zvisunungure. Chiripo ndechokuti muranda anenge adaidzwa muna Tenzi, munhu akasununguka waTenzi. Ndizvozvowo nomunhu akadanwa iye akasununguka, muranda waKristu. Imi makatengwa nomutengo, musave varanda vavanhu. Naizvozvo hama dzangu munhu zvaakadaidzwa naMwari akaita, ngaarambe akaita saizvozvo.