Rudo ngaruve ndicho chinangwa chenyu muvavarire kwazvo kuwana zvipo zvomweya zvikuru kuti muporofite. Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya. Asi uyo anoporofita anotaura kuvanhu zvinovavaka nokuvakurudzira nokuvanyaradza. Anotaura norurimi rusingaziikanwi anozvisimbisa iye pachake asi uyo anoporofita anosimbisa sangano. Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 14:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo