Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 12:14-18

1 Vakorinde 12:14-18 SCLB

Muviri hausi mutezo mumwechete asi mizhinji. Dai kuri kuti tsoka inoti nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai kuri kutiwo nzeve inoti nokuti handisi ziso, handisi womuviri; hazviiti kuti isave yomuviri. Dai muviri wose waingova ziso roga kunzwa, waizonzwa nei? Dai muviri wose waingova nzeve yoga kunhuwidza, waizonhuwidza nei? Asi sezvazviri, iye zvino, Mwari akaronganisa mitezo yomuviri, mumwe nomumwe wayo sokuda kwake.