Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo. Kune mhando dzamabasa dzakasiyana–siyana asi Tenzi ndiye mumwechete. Kune mhando dzokushanda kwakasiyana–siyana asi Mwari ndiye mumwechete anozvifemera muna vose. Mune mumwe nomumwe munoonekwa kuti muna Mweya Mutsvene anoshanda maari kuti zvibatsire ruzhinji. Mumwe anopiwa, nomuna Mweya Mutsvene, kutaura noungwaru; mumwewo achipiwa kutaura noruzivo zvichibva kuna Mweya mumwecheteyo; mumwewo chipo chechitendero chinobva kuna Mweya mumwecheteyo. Mumwewo chipo chokurapa chinopiwa naMweya mumwecheteyo. Kuno mumwe chipo chokuita zvishamiso; kuno mumwewo chipo chokuporofita; mumwewo achipiwa chipo chokusiyanisa mweya yakaipa neyakanaka; kuno mumwewo chipo chokutaura nendimi dzakasiyana–siyana; mumwewo chipo chokududzira ndimi. Zvose izvozvi zvinofemerwa naMweya mumwecheteyo anogovera munhu nomunhu sokuda kwake.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 12:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo