1 Vakorinde 1
1
KUSUMA
Mazwi okukwazisa nokutenda
1Ini Pauro ndakadaidzwa kuti ndive mupositori waKristu Jesu, chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai ini pamwechete nehama Sositenesi, 2imi vesangano raMwari riri kuKorinde, rinemi vanhu vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu, imi makadaidzwa kuva varurami pamwechete navose vanodaidzira kose kose muzita raTenzi wedu Jesu Kristu, Tenzi wavo neweduwo. 3Chikomborero chokuitirwa nyasha nokuwaniswa rugare dai changova nemi chichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Tenzi Jesu Kristu.
4Ndinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu nokuda kwenyasha dzaMwari dzamakapihwa muna Kristu Jesu, 5kuti muna zvose makapfumiswa maari zvokuti munogona kutaura uye munoziva zvose. 6Uchapupu hwaKristu hwakasimbisiswa mamuri, 7zvokuti hapana chipo chezvomweya chamusina pamunenge makamirira kuratidzwa pachena kwaTenzi wedu Jesu Kristu. 8Ndiye achakusimbaradzai kusvikira kumagumo kuti munge musina mhosva pazuva raTenzi wedu Jesu Kristu. 9Mwari akatendeka. Ndiye akakukokai kuti muve noruwadzano naMwanakomana wake Jesu Kristu Tenzi wedu.
I: MAPATO MAPATO MUSANGANO
A: KUSABATANA KWESANGANO RAVAKORINDE
10Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. 11Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. 12Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? 13Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? 14Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi 15kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. 16Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. 17Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo.
Jesu ndiye ungwaru nesimba raMwari
18Zvinoreva muchinjikwa, ndezvoupenzi kuna vakananga kundoparadzwa asi kunesu vari kundoponeswa, isimba raMwari 19nokuti zvakanyorwa zvichinzi,
“Ndichaparadza ungwaru hwavakachenjera
uye ndichashaisa maturo ruzivo rwavazivi.”
20Mungwaru achazova papi ipapa?
Zvino iyo nyanzvi yomutemo ichavapapi?
Nyanzvi dzokufunga dzomukore uno dzichazova papi ipapo?
Mwari haana kuita kuti ungwaru hwapasi pano,
huve upenzi here?
21Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho
hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo.
Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda,
vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza.
22VaJudha vanoda zvishamiso
vaGiriki vanotsvaga ungwaru.
23Asi isu tinoparidza Kristu
akarovererwa pamuchinjikwa.
Izvi chigumburo kunavaJudha
uye upenzi zvahwo kune vechirudzi.
24Kuna vakadaidzwa zvavo,
vangave vaJudha kana vaGiriki,
tinoparidza Kristu, iye simba raMwari
noungwaru hwaMwari.
25Upenzi hwaMwari ungwaru
kupinda ungwaru hwavanhu
uye utera hwaMwari
hune simba kupinda ravanhu.
26Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru. 27Asi Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika samazungairwa kuti anyadzise vangwaru. Mwari akasarudza vanoonekwa nenyika savasina simba kunyadzisa vakasimba. 28Mwari akasarudza vanoonekwa savapasi pasi navanhu vakazvidzika panyika kuti zvinonzi ndizvo zvinhu kwazvo zvive zvenhando 29kuitirawo kuti pashaye munhu anozvikudza pamberi paMwari. 30Kuna Mwari ndiko kunobva upenyu hwenyu muna Kristu Jesu waakaita kuti ave ndiye ungwaru hwedu, uye kuti ave ndiye anotiruramisa, anotiita vatsvene nokuva rudzikinuro rwedu. 31Saizvozvo, sokunyorwa kwazvakaitwa, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vakorinde 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.