Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete. Ndinodaro nokuti ndakataurirwa nevemhuri yokwaKurowe kuti pane kupopotedzana pakati penyu, hama dzangu. Zvandinoreva ndezvizvi zvokuti, mose mavakuti ini ndiri waPauro mumwe achiti ndiri waAporosi mumwewo achiti ndiri waKefasi mumwewo achiti ndiri waKristu. Ko iye Kristu akadanzuranwa here? Ko Pauro akakurovererwai pamuchinjikwa here? Kana kuti zvimwe makaombekwa muzita raPauro here? Ndinotenda Mwari kuti handina mumwe wenyu wandakaombeka kusiya Krisiposi naGayosi kuti pashaye anoti makaombekwa muzita rangu. Ehe, ndakaombekawo vemhuri yaStefanosi. Kunze kwaivava, hameno kana pano mumwezve wandakaombeka. Chikonzero chacho ndechokuti Kristu haana kundituma kuzoombeka asi kuzoparidza Shoko Rakanaka uye kwete namazwi oungwaru kuti muchinjikwa waKristu urege kutorerwa simba rawo.
Verenga chikamu 1 Vakorinde 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vakorinde 1:10-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo