Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 6:54-81

1 Nhoroondo 6:54-81 SCLB

Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange. Vakagoverwa Hebhuroni munyika yokwaJudha namafuro aro akaripotoredza. Asi minda yeguta racho nemisha yaro vakapa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. Maguta okundopotera akapiwa vanakomana vokwaAroni ndaaya aya: kunoti Hebhuroni neRibhuna namafuro aro neJatiri neEshitemoa namafuro awo kwouya Hireni namafuro aro uye Dhebhiri namafuro aro neAshani namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro. Avakapiwa kwaBhenjamini ndeaya anoti: Gebha namafuro aro neAremeti namafuro aro uye Anatoti namafuro aro. Ose pamwechete maguta avo mudzimhuri dzokwavo aiva gumi namatatu. Vamwe vose vokwaKohati vakagoverwawo maguta gumi nechin'ange mumhuri yedzinza racho uye nomuchikamu chimwe chevokwaManase. VokwaGerishomi mhuri nemhuri vakagoverwa maguta gumi namatatu mune vedzinza rokwaIsakari nerokwaAsheri nerokwaNafutari nerokwaManase muBhashani. VokwaMerari mhuri nemhuri vakagoverwawo maguta gumi namaviri mudzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni. Saizvozvo vanhu veIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo. Vakagoverwawo nechin'ange mune vedzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini maguta iwaya ataurwa nemazita. Vamwe vemhuri dzevanakomana vokwaKohati vaivawo namaguta omudunhu ravo mune vedzinza rokwaEfuremu. Vakagoverwa maguta okundopotera aya anoti Shikemu namafuro aro munyika yokwaEfuremu yamakomo, kwouya Gezeru namafuro aro kwoti Jokimeamu namafuro aro neBhetihoroni namafuro aro kwozoti Aijaroni namafuro aro neGatirimoni namafuro aro kwouyawo mune vechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndeaya: kunoti Aneru namafuro aro neBhireamu namafuro aro edzimwe mhuri dzose dzokwaKohati. VokwaGerishomu: vakagoverwa mune chimwewo chikamu chevedzinza rokwaManase vakapiwa: Gorani muBhashani namafuro aro, neAshitaroti namafuro aro. Mune vedzinza rokwaIsakari vakagoverwa: Kedheshi namafuro aro neDhabherati namafuro aro kwouya Ramoti namafuro aro neAnemu namafuro aro. Mune vedzinza rokwaAsheri vakapiwa: Mashari namafuro aro neAbhudhoni namafuro aro kwouya Hukoki namafuro aro neRehobhu namafuro aro. Mune vedzinza rokwaNafutari vakagoverwa: Kedheshi muGarirea namafuro aro neHamoni namafuro aro neKiriatiaimu namafuro aro. Vamwe vose vokwaMerari: vakagoverwa mune vedzinza rokwaZebhuruni. Rimoni namafuro aro neTabhori namafuro aro. Kumhiri kwaJorodhani: kuJeriko mune vedzinza rokwaRubheni vakapiwa Bhezeri riri pamutunhu namafuro aro neJahiza namafuro aro kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro. Mune vedzinza rokwaGadhi vakagoverwa: Ramoti muGireadhi namafuro aro neMahanaimu namafuro aro kwouya Heshibhoni namafuro aro kwozoti Jazeru namafuro aro.