Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Nhoroondo 29:10-13

1 Nhoroondo 29:10-13 SCLB

Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere. Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose. “Zvose zvazvo kupfuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, ndimi munotonga zvose. Simba noukuru zviri mumaoko enyu, zviriwo mumaoko enyu kugadza paukuru nokupawo zvose simba. Zvino tinokutendai imi Mwari wedu tichirumbidza zita renyu rine mbiri.