1 Nhoroondo 26
26
Vachengetedzi vepamba yaTenzi
1Zvikwata zvevachengetedzi vokumisuo mikuru zvakanga zvakamira zvakadai izvi:
kune vokwaKora paiti Mesheremiya mwanakomana
waKore wevana vokwaAsafu.
2Mesheremiya aiva navana vake vakomana ava vanoti:
Zekariya dangwe racho
achitevedzerwa naJedhieri
wechitatu ari Zebhadhiya
wechina ndiJatinieri
Eramu ari wechishanu
3wechitanhatu ndiJehohanani
wechinomwe ari Eriehoenai.
4Obhedhiedhomu aiva navanakomanawo vaiti:
dangwe racho Shemaya
tevere Jehozabhadhi
wechitatu ndiJoa
wechina ari Sakari
wechishanu ndiNetaneri
5wechitanhatu ari Amieri
Isakari ariye wechinomwe
wechisere ndiPeuretai
nokuti Mwari akavakomborera.
6Uyewo mwanakomana wake Shemaya akaberekawo vana vakomana vakava vatungamiriri vomudzimhuri dzokwavo nokuti vaiva mvumba chaidzo dzamagamba.
7Vanakomana vaShemaya ndiOtini naRefaeri
naObhedhi naErizabhadhi vaiva nehama
dzaiva noushasha pakuita zvinhu vana Erihu naSemakiya.
8Vose ivava ava vaiva vanakomana vokwaObhedhiedhomu navana vavo vakomana nehama dzavo vari shasha chaidzo dzinogona kuita basa radzo. Vose pamwechete vokwaObhedhiedhomu vaiva makumi matanhatu navaviri.
9Mesheremiya aiva navanakomana nehama dzake shasha chaidzo, vose vari gumi navasere.
10Hosa mumwe wavanakomana vokwaMerari aivawo navana vakomana vaiti:
Shimuri, mukuru wacho,
kunyange zvazvo akanga asiriye dangwe
baba vake ndivo vakamuita mukuru.
11Aitevedzerwa naHirikiya
wechitatu ndiTebheriya,
wechina ari Zekariya.
Vanakomana vaHosa nehama dzake
vose vaiva gumi navatatu.
12Zvikwata izvi zvavachengetedzi vepamisuo mikuru zvichifambiranawo navakuru vakuru vazvo vaivawo namabasa sezvaingoitawo hama dzavo rokushanda mumba yaTenzi. 13Suo guru roga roga raipiwa vanhu varo vaigovaniswa nechin'ange zvimwechetezvo imba nemba mukuru nomudiki. 14Rokumabvazuva kwacho chin'ange chakaenda kuna Sheremiya. Vakaitirawo mwanakomana wake Zekariya muchinda ane ungwaru chin'ange chikaratidza kuti ndowekuchamhembe.
15Chin'ange chakaratidza kuti Obhedhiedhomu ndowekumaodzanyemba chikapa vanakomana vake basa rokudzimba dzaichengeterwa zvinhu. 16Kuna Shupimu naHosa chakaratidza kuti ndowekumadokero pasuo guru reShareketi pamugwagwa unokwira uya, vaiita mazoro kupachengetedza. 17Kumabvazuva kwainge kuna vaRevhi vatanhatu pazuva
kuchamhembe, vana pazuva,
kumaodzanyemba, vana pazuva
vaviri vaviri padzimba dzokuchengetera zvinhu,
18panzvimbo yemo yainzi Paribhari kumadokero vari vana pamugwagwa,
kwouya vaviri paParibhari.
19Izvozvi izvi ndizvo zvikwata zvavachengetedzi vokumisuo mikuru wokwaKora navanakomana vokwaMerari.
Mamwe mabasa epamba yaMwari
20PavaRevhi, Ahiya aiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaMwari nomaichengeterwa zvipo zvainge zvateketerwa kuna Mwari. 21Kune vanakomana vokwaRadhani, vana vokwaGerishoni vakaberekwa naRadhani vaiva vatungamiriri vokumba yokwaRadhani wokwaGerishoni iyeyu ndewekwaJehieri. 22Vanakomana vaJehieri ndiZetamu muJoeri munun'una wake, vaiva nebasa rokuona nezvedzimba dzaichengeterwa upfumi hwemba yaTenzi.
23Kune vokwaAmuramu vaiti vokwaIzhari nevokwaHebhuroni nevokwaUzieri:
24Akasarudzwa kuva changamire mukuru wokuona nezvemaichengeterwa upfumi ndiShebhueri mwanakomana wokwaGerishomu mwana waMosesi. 25Hama dzake vokwaEriezeru vakanga vakamira vakadai izvi:
mwanakomana waEriezeru ndiJeshaya
waJeshaya ndiJoramu
waJoramu ari Zikiri
waZikiri ariwo Sheromoti.
26Sheromoti uyu nehama dzake vaiva vokuona nezvemaichengeterwa zvipo zvainge zvakateketererwa kuna Mwari. Zvakanga zvateketererwa kuna Mwari namambo Dhavhidhi navatungamiriri vedzimhuri dzokwavo navatungamiriri vezviuru nevemazana navatungamiriri vehondo. 27Vakatora zvimwe zvinhu pane zvakanga zvapambwa kuhondo vakazvipa sechipo chokuchengetedza nacho imba yaTenzi. 28Maivawo nezvakanga zvateketerwa kuna Mwari naSamueri muoni naSauro mwana waKishi naAbhuneru mwana waNeru, naJoabhu mwana wavaZeruya nezvose zvakanga zvateketerwa kuna Mwari zvaive mumaoko aSheromoti nehama dzake.
Mabasa avamwe vaRevhi
29Kune vokwaIzhari Kenaniya nevana vake
vakomana akapiwa basa
rokunze savanyori navatongi.
30Kune vokwaHebhuroni, Hashabhiya
nehama dzake chiuru nemazana
manomwe vari vanhu vanoushasha pakuita
zvinhu ndivo vaiva vatariri
veIsiraeri kumadokero kwaJorodhani mune
zvose zvainangana nebasa
raMwari nezvainangana nebasa ramambo.
31Pane vokwaHebhuroni, Jeriya ndiye waiva changamire wavo pazvizvarwa zvavo zvose mumba yekwavo. Mugore rechimakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi kwakatsvangwa kukaonekwa mvumba dzemagamba okurwa hondo kuvanhu vokuJazeru kuGireadhi. 32Mambo Dhavhidhi akasarudza iyeyu nehama dzake vari zviuru zviviri zvine mazana manomwe zvavarume shasha chaidzo dzebasa vari vatungamiriri vokumhuri dzokwavo kuti vave vokutungamirira vekwaRubheni, nevekwaGadhi nevechimwe chikamu chedzinza rokwaManase mune zvose zvainangana nezvaMwari nezvainanganawo nenyaya dzokwaMambo.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 26: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.