1 Nhoroondo 10
10
Firo yamambo Sauro
(1 Sam 31:1–13; 28:8–25)
1VaFirisitia vakarwisana navaIsiraeri, varwi veIsiraeri vakatiza, vaIsiraeri vakarakatiswa kufa kuGomo reGiribhoa. 2VaFirisitia vakati tsvome tsvome kudzingirirana naSauro navanakomana vake. VaFirisitia vakauraya Jonatani naAbhinadhabhu naMarikishua vana vaSauro vakomana. 3Hondo yakanga zvino yaomera Sauro, vemiseve vakabva vamuwana vakamukuvadza. 4Naizvozvo Sauro akati kune wokumutakurira zvombo zvehondo, “Buritsa bakatwa rako muhara undibaye naro, vangadaro vanhu ava vasina kudzingiswa vakauya vakandiita zvavo chiseko.” Asi wokumutakurira zvombo zvehondo uyu akaramba nokuti akatya kwazvo. Sauro ndokubva atora bakatwa rake pachake ndokuzviwisira pariri. 5Uya aimutakurira zvombo zvehondo achionawo kuti Sauro afa, naiyewo akazviwisira pabakatwa rake akafawo. 6Uku ndokufa kwakaita Sauro iye navana vake vakomana vatatu navose vemhuri yake vakafa pamwechete. 7Vanhu vose veIsiraeri vaiva mubani pavakaona kuti vatiza kudaro uyewo kuti Sauro navana vake vakomana vafa, vakasiya maguta avo vakatiza. VaFirisitia vakaenda vakagaramo.
8Ramangwana racho vaFirisitia pavakaenda kundotora zvaiva pazvitunha vakawana Sauro navana vake vakomana vakati kan'an'a kuGomo reGiribhoa. 9Vakamukatanura, vakatora musoro wake nedemautare rokuzvidzivirira muhondo naro. Vakatumira nhumwa kunyika yose yevaFirisitia nedama rakanaka kwazvo kuzvifananidzo zvavo zvokunamata nekuvanhu vokwavo. 10Vakaisa demautare rake rokuzvidzivirira naro muhondo mumba yavamwari vavo, musoro wake vakauroverera mumba yaDhagoni. 11Vose vokuJabheshi kwaGireadhi pavakanzwa zvakanga zvaitwa nevaFirisitia kuna Sauro, 12varume vokwavo vose magamba ehondo, vakasimuka vakasvikotora chitunha chaSauro nezvavanakomana vake vakadzokera nazvo kuJabheshi. Vakaviga mapfupa avo pasi pomuti womuoku muJabheshi vakatsanya kwamazuva manomwe.
13Nokudaro Sauro akafa pamusana pokusatendeka kwake. Paasina kutendeka kuna Tenzi ndeapa pokuti haana kuchengeta mutemo waTenzi uyewo akandobvunzira kune anosvikirwa 14achitsvaka mazano asingatsvake mazano kuna Tenzi. Naizvozvo Tenzi akamuuraya umambo ndokuhuisa pana Dhavhidhi mwanakomana waJese.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Nhoroondo 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.