Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zefaniya 1

1
Mashoko okusuma
1Shoko rakauya kuna Zefaniya mwanakomana waKushi, mwana waGadharia mwanakomana waAmariya, mwanakomana waHezekiya, mumazuva aJosiya mwanakomana waAmoni mambo wokwaJudha.
ZUVA ROKUTONGA KWATENZI
Kurangwa kuchaitwa pasi pose
2“Ndichanyatsotsvaira kutopedza
zvose zviri pamusoro payo nyika.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
3Ndichatsvaira vanhu nemhuka
uye ndichatsvaira shiri dzedenga
nehove dzegungwa
uye zvimhingamupini,#1:3 zvimhingamupini: ChiHebheru chomutsara uyu hachinyatsozivikanwa kuti chinorevei.
vanhu vakaipa,
ndichatsakatisa vanhu
pamusoro payo nyika.
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Kurangwa kuchaitwa vanonamata vamwari vasirivo
4“Ndichasumudzira vokwaJudha
shamhu yoruoko rwangu
uye vagari veJerusaremu vose zvavo.
Ndichatsakatisawo munzvimbo ino
vokwaBhaari vakasara
uye nezita revapristi
vanonamata zvifananidzo.#1:4 Zvifananidzo: chiHebheru chinoisa mamwe mazwi okuti navapristi.
5Ivo vanopfugama kunamata
pamusoro pedzimba
gurusvusvu rezvinhu zvomumatenga,
vanopfugama pasi
vachipika nezita raTenzi
ivo vachipika zvavo
nezita raMirikomu,
6navakafuratira Tenzi
vasisatsvaki Tenzi
kana kunzwa kuti anotii.”
7Chitotii zvenyu mwi-i
pamberi paTenzi Mwari
nokuti zuva raTenzi rosvika
Tenzi akagadzirira chibayiro
akazvitsaurira vaenzi vake.
Kurangwa kuchaitwa makurukota
8“Pazuva raTenzi rechibayiro
ndicharanga vakuru vakuru
navanakomana vamambo
nevose zvavo vanopfeka
hanzu dzechirudzi.
9Nezuva iroro ndicharanga
munhu wose anodarika#1:9 Anodarika: Tarisai Bhuku roMuporofita 1 Samueri 5:5. chikumbaridzo napamusuo
navanozadza dzimba
dzatenzi wavo
noutsinye nounyengedzi.
Kurangwa kuchaitwa vemhindu dzokutengeserana
10“Pazuva iroro
ndizvo zviri kutaura Tenzi
kucharira mhere kuSuo Guru reHove
kuungudza kuchibva kumana rechipiri,
kungondomoka kukuru kuzvikomo.
11Chemai imi vagari vokuMakiteshi
nokuti vemhindu dzokutengeserana
vose hapasisina
ivo vokupima sirivha
vose vakatsakatika.
Kurangwa kuchaitwa vanhu vasina hanya naMwari
12“Panguva iyoyo ndichatsvaka
nerambi muJerusaremu
ndichiranga vanhu ivavo
vane manzvengeredzero avo
vanozviti nechomumwoyo,
‘Tenzi hapana zvaanomboita,
zvakanaka kana zvakaipa.’
13Zvinhu zvavo zvichapambwa
dzimba dzavo dzichaparadzwa
kunyange zvavo vakavaka dzimba
havazombodzigari.
Kunyange zvavo vakasima
minda yemagirepisi,
waini yacho havainwi.”
ZUVA GURU RATENZI
14Zuva guru raTenzi rosvika,
rokasika chaizvo kusvika,
bongozozo rezuva raTenzi
rinorwadza,
gamba chairo richatobongomora
kuiridza mhere ipapo.
15Zuva iroro izuva rehasha
musi wokutambura nokurwadzwa
zuva repfumvu nokuparara
musi werima nezarima
zuva ramakore akati kwirindindi
16zuva rokurira kwehwamanda
nokurira kwemhere yehondo
yokurwisa maguta etsvingo
nezvokuzvidzivirira nazvo
zvakati dzu-u kureba.
17“Ndichaonesa vanhu nhamo
zvokutofamba samapofu zvawo
nokuti vakatadzira Tenzi.
Ropa ravo richanyatsowodzvorwa seguruva
uye nyama yavo sendove.”
18Kunyange sirivha yavo
kana ndarama yavo
haigoni kuvanunura,
pamusi wehasha dzaTenzi.
Nyika yose zvayo icharoromeswa
mumoto wehasha dzake dzeshanje;
achanyatsoyerekana avaparadza;
ndozvaachaita kuvagari vapasi pano
vose zvavo.

Zvasarudzwa nguva ino

Zefaniya 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda