Ko zvino ndingati vakagumburwa zvokubva vawira pasi zvachose here? Kwete, handizvoba. Asi nokukanganisa kwavo ikoko ruponeso rwakabva rwaenda kune vechirudzi kuti vaIsiraeri vaite shanje. Zvino kana kukanganisa kwavo ikoko kwakapfumisa pasi pose uyewo kana kukundika kwavo kuchitopfumisa vechirudzi, ko kutozoti kana tazara, tava tose pamwechete navo! Kunemiwo vechirudzi ndinoti, ini somupositori kune vechirudzi ndinokoshesa basa rangu iroro kuti ndimutse shanje muhama dzangu dzechiJudha. Nenzira iyoyo ndigoponesa vamwe vavo. Kana kurambwa kwavo kuchiita kuti pasi pose payananiswe, ko kugamuchirwa kwavo kucharevei? Kunenge korevawo kumuka kwavafi. Kana chidimbu chomukanyiwa wechingwa chinopirwa somupiro wezvitsva chiri chitsvene, saizvozvo mukanyiwa wose mutsvene. Kanawo mudzi uri mutsvene namapaziwo matsvene asi kana mamwe mapazi akadimurwa zvino imi bukirwa romuorivhi womusango mukarumatidzwa panzvimbo pawo kuti muwanewo upfumi homuorivhi musadadire mapazi iwayo. Kunyange mukadada zvenyu asi yeukai kuti hamusimi munotsigira mudzi asi kuti mudzi ndiwo unokutsigirai. Pamwe mungati mapazi akadimurwa kuti ini ndirumatidzwe pamugirepisi. Ichokwadi ichocho. Vakadimurwa pamusana pokusatenda kwavo asi choga chinoita kuti iwe umire wakasimba, chitendero. Naizvozvo rega kuzvikudza; unofanira kutotya, nokuti kana Mwari asina kurega mapazi epo aripo haamboregawo iwe uripo. Saka iwe chinyatsoona mwoyochena nokuoma kwaMwari. Kuomesa mwoyo kwake kuna vakatadza nemwoyochena waMwari kwauri, ndokunge chete mwoyochena waMwari waramba uinewe. Pasina izvozvo kana iwe unodimurwawo. Kunyange vaJudha vaya kana vakarega kurambirira mukusatenda kwavo, vanorumatidzwa pakare nokuti Mwari ane simba rokuvarumatidza zvakare. Ndinodaro nokuti kana imi makadimurwa pamuorivhi, muorivhi womusango zvawo muchizorumatidzwa zvisiri zvinoitika pamakuriro ezvinhu uchirumatidzwa nomugirepisi unorimwa mumunda, ko zvinova nyore zvakadii kuti mapazi epo chaiwo arumatidzwezve pamigirepisi yawo. Mungadaro mukafunga kuti makachenjera, ndingade kuti muzive chakavandika ichi hama dzangu. Kuomaradza mwoyo kwakapinda muchikamu cheIsiraeri kusvikira huwandu hwevechirudzi vose hwapinda. Naizvozvo Isiraeri yose ichaponeswa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Mununuri achabva kuZioni achaparadza kusanamata Mwari kose muna Jakobho. Ichochi ndicho chichava chitenderano changu navo kana ndabvisa zvitadzo zvavo.” Pane zveShoko Rakanaka, imhandu dzaMwari kuitira imi, asi pane zvokusarudzwa ndavapamwoyo, pamusana pamadzitateguru avo nokuti zvipo zvaMwari nokudaidza kwake ipfirapo. Sezvamakangoita imi kuti makambova vanhu vasingateereri Mwari asi zvino makaitirwa tsitsi pamusana pokusateerera kwavo, saizvozvowo zvino havateereri kuti netsitsi dzamakaitirwa ivo vaitirwewo tsitsi. Ndinodaro nokuti Mwari akaisa vanhu vose mukusateerera kuti anzwire vose tsitsi. Aiwaiwa hakusi kudzama kwakaita upfumi noungwaru noruzivo rwaMwari! Hakusi kusabatika ikoko kwamazano ake nokusarondeka kwakaita nzira dzake! Nokuti ndiani angazive zviri mupfungwa dzaTenzi; uye ndiani akambova mupi wake wamazano. Kana akambomupa chipo chokuti azodzorerwa, nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zvinouya nokwaari uyewo ndezvake. Iye ngaarumbidzwe nokusingaperi. Ameni.
Verenga chikamu Varoma 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 11:11-36
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo