Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 11:11-36

Varoma 11:11-36 SNA2002

Zvino ndinoti, Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo? Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri mupostori wavahedheni, ndinokudza basa rangu. Zvimwe ndingamutsa godo kuna venyama yangu, ndiponese vamwe vavo. Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu pakufa? Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadarowo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo. Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwechete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; usazvikudza pamusoro pamatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.” Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye; nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo. Zvino tarira unyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi kwauri unyoro hwaMwari, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvisakadaro newe uchatemwawo. Naivowo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari vomuti iwoyo umene, vangabatanidzwa pamuorivhi wavo! Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuomeswa kwomwoyo kwakauya pamusoro pavamwe vavaIsiraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda; naizvozvo rudzi rwose rwavaIsiraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi, “PaZioni pachabuda Musununguri; Achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho; Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo.” Kana iri Vhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kutsanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba. Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. Nokuti semi kare makanga musingateereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusateerera kwavo, saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwewo ngoni. Nokuti Mwari akavapfigira vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. Aiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! Nokuti ndianiko akaziva murangariro waIshe? Ndianiko akanga ari murayiri wake? Ndianiko akatanga kumupa, kuti aripirwezve? Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

Verenga chikamu Varoma 11