Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 54:1-7

Nziyo 54:1-7 SCLBD

Ndinunureiwo Mwari nezita renyu, nesimba renyu mundipembedze. Inzwaiwo munamato wangu, Mwari; teereraiwo mazwi omuromo wangu nokuti madzenga avanhu andimukira mharadzi dzinoda kundiuraya. Havana hanya nezvokuti kuna Mwari. Dzepfunde Chinzwai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. TENZI ndiye muchengeti woupenyu hwangu. Achadzorera vavengi vangu nezvakaipa. Pamusana pemwoyochena wenyu vaparadzei. Ini ndichapira chibayiro chokupa nomwoyo wangu; ndichatenda zita renyu nokuti rakanaka nokuti makandinunura kunhamo dzose. Ndikaona nameso angu kukundwa kwavavengi vangu.

Verenga chikamu Nziyo 54