Ndakatokanganikwa somunhu akafa. Ndaita somudziyo wakapwanyika. Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve; mativi ose zvangove zvinotyisa. Pavanorangana zvokundirwisa vachirangana zvokuda kundiuraya. Asi ini ndinovimba nemi TENZI ndinoti ndimi Mwari wangu. Upenyu hwangu huri mumaoko enyu ndinunureiwo mumaoko avavengi vangu navanonditambudza. Ndinyevenutsireiwo mwoyo ini muranda wenyu mundinunurewo nemwoyochena wenyu. Musaite kuti ndinyadziswe, TENZI nokuti ndinochema kwamuri. Vakaipa ngavave ivo vanonyadziswa ngavadzike kunzvimbo yavakafa chinyarire. Miromo inoreva nhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaipa kuvarurami ichizvikudza nokuzvitutumadza nokuzvidza. Hakusi kuwanda ikoko kwezvakanaka zvamakaunganidzira vanokutyai, zvamunoitira vanopotera mamuri vanhu vachiona. Nokuvapo kwenyu munovahwandisa kune zvinorongwa navanhu, munovavanza mudumba renyu kunhamo dzavana vana pamuromo TENZI ngaarumbidzwe nokuti akandiratidza zvinoshamisa mwoyochena wake pandaive ndakakombwa, seguta riri kurwiswa. Pandaive ndadumbirwa ndakati ndadzingirwa kure nemi asi imi makanzwa munamato wangu pandakachemera rubatsiro kwamuri. Idai TENZI imi vatsvene vake. TENZI anochengeta vakatendeka vake; asi anoranga zvakanyanya munhu wose anozvikudza. Simbai mutsunge mwoyo imi mose munotarisira muna TENZI.
Verenga chikamu Nziyo 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 31:12-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo