Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 31:12-24

Mapisarema 31:12-24 SNA2002

Ndakanganikwa sowakafa asati achafungwa; Ndava somudziyo wakaputsika. Ndakanzwa vazhinji vachindipomera, Zvinotyisa kumativi ose; Pakurangana kwavo pamusoro pangu Vakafunga mano kuti vanditorere upenyu hwangu. Asi ndakavimba nemi Jehovha; Ndakati, “Ndimi Mwari wangu.” Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; Ndirwirei paruoko rwavavengi vangu, nokuna vanonditambudza. Vhenekesai chiso chenyu pamusoro pomuranda wenyu; Ndiponesei nounyoro hwenyu. Ngandirege kunyadziswa, Jehovha; nokuti ndakadana kwamuri; Vakaipa ngavanyadziswe, ngavanyarare paSheori. Miromo inoreva nhema ngainyarare; Iyo inotaura namanyawi kuna vakarurama, Ichizvikudza nokuvazvidza. Haiwa, zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, Zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu! Muchavavanza pakavanda pamberi penyu, vabve pamano avanhu; Muchavachengeta pakavanda patende vabve panharo dzendimi. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba. Kana ndirini, ndakati pakukaruka kwangu, “Ndabviswa pamberi penyu;” Kunyange zvakadaro, makanzwa izwi rokukumbira kwangu pakuchema kwangu kwamuri. Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha anochengeta vakatendeka, Anotsiva zvikuru munhu anozvikudza. Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, Imi mose munorindira Jehovha.