Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 18:1-29

Nziyo 18:1-29 SCLBD

Ndinokudai TENZI, imi simba rangu. TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto. Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu. Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake. Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama. Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka.

Verenga chikamu Nziyo 18