Vakakomborerwa zvavo
vanoupenyu husina chinoshoreka,
vanofamba zviri pamutemo waTENZI.
Arefu
Vakakomborerwa vanochengeta
mitemo yake,
vanomutsvaka nomwoyo wose
uye vasingaiti zvakaipa
asi vanotevera gwara rake.
Makati mitemo yenyu
ichengetwe zvakanakisa.
Dai maitiro angu angova akatendeka
mukuchengeta mirau yenyu.
Ipapo handizonyadziswa,
ziso rangu richagara riri pamitemo yenyu.
Ndichakurumbidzai nomwoyo uri pachokwadi
pandinodzidza zvirongwa zvenyu zvakarurama.
Ndichachengeta mitemo yenyu
musandirase zvachose.
Ko jaya ringachengete seiko
maitiro aro akanaka?
Rinofanira kuzvichengetedza
maererano neshoko renyu.
Beti
Ndinokutsvakai nomwoyo wose,
itai kuti ndirege kutsauka
pamirau yenyu.
Ndakaisa shoko renyu mumwoyo mangu
kuti ndirege kukutadzirai.
TENZI ngaarumbidzwe,
ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu.
Ndinodudza pachena nomuromo wangu
zvakatemwa nomuromo wenyu.
Ndinofara namamiriro omutemo wenyu
sokufarira kwandinoita upfumi hwose.
Ndichafungisisa nezvemirau yenyu
ndigorangarira nzira dzenyu.
Ndinofarira mitemo yenyu,
handimbokanganwi shoko renyu.
Ndibatei zvakanakisisa
ini muranda wenyu
kuti ndirarame
ndichengete shoko renyu.
Gimeri
Zarurai meso angu kuti ndione
zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.
Ndiri mweni panyika,
musandiwanzire mitemo yenyu.
Mweya wangu unosuwira
kwazvo zvirongwa zvenyu
panguva dzose.
Munotsiura vanozvikudza,
vanhu vorushambwa,
vanotetereka kubva pamitemo yenyu.
Ndibvisireiwo kunyadziswa nokushorwa
nokuti ndakachengeta
mitemo yenyu.
Kunyange machinda akagara pasi
achindirangana,
ini muranda wenyu
ndicharangarira zvirevo zvenyu.
Zvamakatema zvinondifadza,
ndiwo makurukota angu.
Ndinorara muhuruva,
ndimutsurudzei neshoko renyu.
Dareti
Pandakareurura nzira dzangu
makandipindura,
ndidzidziseiwo zvirevo zvenyu.
Itai kuti ndinzwisise
mufambiro wemitemo yenyu;
ini ndichanyatsofunga
nezvamabasa enyu anoshamisa.
Ndaparara nokusuruvara,
ndisimbiseiwo sokutsidza kwamakaita.
Ndichengetei ndirege kurasika,
munyatsondidzidzisawo mutemo wenyu.
Ndakasarudza nzira yokutendeka,
ndakaisa zvirongwa zvenyu pamberi pangu.
Ndinoti kwati kwati nezvamakatema,
imi TENZI regai kuti ndinyadziswe.
Ndichamhanya nomugwara remitemo yenyu
kana mandipa kunzwisisa kwakawanda.
TENZI ndidzidziseiwo gwara rezvirevo zvenyu
ndicharitevera kusvika kwokugumisa.
Ite
Ndipeiwo kunzwisisa
ndichengete mutemo wenyu
ndiutevedze nemwoyo wangu wose.
Nditungamirireiwo munzira yemitemo yenyu
nokuti ndinoifarira.
Rerekerai mwoyo wangu kumitemo yenyu
kwete kune zvinondipfumisa.
Dzorai maziso angu
pazvinhu zvisina maturo
mundipewo upenyu mugwara renyu.
Chengetai chitsidzo chenyu
kumuranda wenyu
chamakatsidza kuna vanokutyai.
Ndinzvengeseiwo kune kushorwa kwandinotya
nokuti zvirongwa zvenyu zvakanaka.
Tarisai muone kuti ndinoshuwira
mitemo yenyu.
Pamusana pokuti makarurama,
ndipeiwo upenyu.
Ndiitireiwo mwoyochena wenyu, TENZI
mundiponesewo sokutsidza kwenyu.
Wawu
Ndopandingakwanise kupindura vanonyomba
nokuti ndinovimba neshoko renyu.
Musaite kuti ndibva ndatadza
kutaura chokwadi zvachose
nokuti chitarisiro changu chiri muzvirongwa zvenyu.
Ndichagara ndichichengeta
mutemo wenyu narini narini.
Ndichafamba ndakasununguka
nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu.
Ndichataura nezvemitemo yenyu pana madzimambo,
handimbonyari.
Nokuti ndinofarira mitemo yenyu
nokuti ndinoida.
Ndinoremekedza mitemo yenyu uye ndinoida
uyezve ndichafungisisa zvirevo zvenyu.
Yeukai zvamakataura kumuranda wenyu
zvakandipa chitarisiro.
Zaini
Chinondinyaradza munhamo yangu ndechichi
chokuti chitsidzo chenyu chinondipa upenyu.
Vanozvikudza vanondishora zvazviri
asi handisiani nomutemo wenyu.
Pandinorangarira mirau yakare
zvinondinyaradza, TENZI.
Ndinoviruka nehasha pamusana pavakaipa
vanokanda pasi mutemo wenyu.
Mitemo yenyu ndiyo rumbo rwangu
mumusha wandinogara ndiri muutapwa.
Ndinoyeuka zita renyu usiku TENZI
uye ndinochengeta mutemo wenyu.
Ndozvanguwo izvozvo zvokuti
ndakachengeta mitemo yenyu.
TENZI ndiye nhaka yangu,
ndinotsidza kuchengeta shoko renyu.
Heti
Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose
kuti mundicheukewo,
ndinzwireiwo ngoni
sokutsidza kwenyu.
Ndikafunga makwara enyu
ndinobva ndatendeuka
ndotevera mitemo yenyu.
Ndinokurumidza,
handinonoki kuchengeta mitemo yenyu.
Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya
handikanganwi mutemo wenyu.
Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai
nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama.
Ndiri shamwari yavose vanokutyai,
wavose vanochengeta mitemo yenyu.
Nyika izere nemwoyochena wenyu, TENZI,
ndidzidzisei mitemo yenyu.
Makachengeta ini muranda wenyu zvakanaka, TENZI,
sokutaura kwenyu.
Teti
Ndipeiwo ungwaru pakufunga uye ruzivo
nokuti ndinovimba nemitemo yenyu.
Ndisati ndarohwa neshamhu ndakarasika
asi pari zvino ndinochengeta shoko renyu.
Makanaka uye munoita zvakanaka,
ndidzidziseiwo mitemo yenyu.
Vanozvikudza vanondizorazora nhema;
asi ndinochengeta mitemo yenyu
nemwoyo wangu wose.
Asi vakaoma mwoyo, havana hanya
asi ini ndinofarira mutemo wenyu.
Zvakanaka kuti ndakamborwadziwa
kuti ndidzidze mitemo yenyu
Mutemo unobva pamuromo penyu
urinani kwandiri kupfuura
zviuru zvemari yendarama nesirivha.
Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba,
ndipeiwo kunzwisisa
kuti ndidzidze mitemo yenyu.
Yodi
Vanokutyai vachandiona vagofara
nokuti ndakatarisira mamuri.
Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu
zvakarurama, TENZI
uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo.
Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu
sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu.
Svikai kwandiri nengoni dzenyu
kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu.
Vanozvikudza ngavanyadziswe
nokuti vakandipomera nenhema
asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu.
Vanokutyai ngavauye kwandiri
kuti vazive mitemo yenyu.
Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose
kuti ndirege kunyadziswa.
Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu
shoko renyu ndiro chitarisiro changu.
Kafu
Ndaneta nokutarisira
chitsidzo chenyu.
Ndinobvunza kuti
muchandinyaradza rini,
nokuti ndafanana nechigubhu chewaini
chamatehwe chiri muutsi
asi mitemo yenyu handina kuikanganwa?
Ini muranda wenyu
ndinofanira kutirira
kusvikira rinhiko?
Muchatonga rini vanonditambudza.
Vanozvikudza vakandicherera hunza
vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu.
Mitemo yenyu yose yakatendeka,
vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo.
Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika
asi mitemo yenyu handina kuirasa.
Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu
kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu.