Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 114

114
Rumbo rwePasika
1Vanhu veIsiraeri pavakabuda muIjipiti,
imba yokwaJakobho ichibva
muvanhu vorumwewo rurimi,
2Judha yakave nzvimbo yake inoera
Isiraeri ikave nyika youmambo hwake.
3Gungwa rakazviona rikatiza
rwizi rwaJorodhani rwakadzokera shure.
4Makomo akachirika sehondohwe#114:4 Sehondohwe: Nziyo 68.6; Ekisodhosi 19:18.
zvikomo zvikachirika sehwayana.
5Zvakanga zvaita seiko
nhaiwe gungwa kuzotiza,
newe Jorodhani kuzodzokera shure kudaro
6nemi makomo kuzochirika sehondohwe
nemiwo zvikomo kuita sehwayana kudaro?
7Dedera iwe nyika pana TENZI,
pana Mwari wokwaJakobho
8anopindura dombo richiva dziva remvura
dombo romusarasara richiva kasipiti kemvura.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 114: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda