Nziyo 1
1
Zvavo vakarurama, vakaipa hameno zvavo
1Akakomborerwa munhu asingafambi
panorangana vakaipa.
Kana kuva munzira yavatadzi,
kana kugara panogara vanonyomba,
2asi kuti anotofarira mutemo waTENZI
uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati.
3Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi
unobereka muchero wawo panguva yawo
uri muti usingauni mashizha.
Zvose zvaanoita zvinobudirira.#1:3 Zvinobudirira: Vari kurehwa pandima iyi ndiMwari namambo weIsiraeri rwizi nomuti.
4Asi hazvisirizvo zvakaita vakaipa,
vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.
5Naizvozvo padare rokutongwa,
vakaipa havapamiri
uye vatadzi mugungano ravakarurama havamumiri.
6Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama
asi nzira yavakaipa ichaparara.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.