Mwana akangwara anoteerera zvaanodzidziswa nababa vake, asi tsvuuramuromo haitsiuriki. Munhu anodya zvakanaka zvinobva mumuchero wezvaanotaura nomuromo wake asi vanyengedzi chavanoda utsinye. Munhu anobata muromo wake anochengetedza upenyu hwake asi anongoshamarara kutaura anozviparadza. Nyope yomunhu inosuwira zvinhu asi haina chainowana, vanochamirira basa vanokora. Akarurama anovenga nhema asi akaipa anoita zvinotsverutsa uye zvinonyadzisa. Ururami hunochengetedza vane nzira dzakarurama asi chitadzo chinorigira pasi mutadzi. Mumwe munhu anoita somupfumi chaanacho pasina mumwewo anoita zvake somurombo asi aine upfumi hwakawanda. Chinonunura munhu upenyu upfumi hwake, asi murombo hapana chikonzero chokumutyityidzira. Chiedza chomururami chinongoti bhaa kuchena asi mwenje womuipi uchanzi nhoo kudzimwa. Kuzvikudza, chako kumutsa nharo asi vanobvuma kupiwa mazano chavo ungwaru. Upfumi hunowanikwa nechimbichimbi hautani kupera asi anohuunganidza kashoma nakashoma anotohuwedzeredza. Chawakatarisira munhu chikanonoka zvinoodza mwoyo asi chaunoda chikaitika ndiwo muti woupenyu. Munhu anoshora shoko anozviparadza asi anoremekedza mutemo achapiwa mubayiro. Chidzidziso chomungwaru chisipiti cheupenyu kuitira kuti munhu anzvenge musungo werufu. Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe asi nzira yavanyengedzi yakaoma. Munhu akachenjera anoita zvinhu noruzivo asi benzi rinoparidzira urema hwaro. Nhumwa yakaipa inopinza munhamo asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa. Munhu anoshora dzidzo urombo nokunyadziswa ndozvake asi anoisa mumwoyo zvaanege atsiurwa acharemekedzwa. Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi. Anofambidzana navangwaru, anovawo mungwaru asi shamwari yamapenzi inopinda nhamo. Vatadzi vanorondwa nezvakaipa asi vakarurama vanopiwa mubayiro nezvakanaka. Munhu wakanaka anosiira vana vevana vake nhaka asi upfumi hwomuipi hunochengeterwa varurami. Gura romurombo rinopa chokudya chakawanda asi chinotsvairwa pamusana pokushaika kweruenzaniso. Munhu asingarove mwana wake neshamhu anomuvenga, asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo. Mururami anodya pamadiro, asi dumbu rowakaipa inzara yoga.
Verenga chikamu Tsumo 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 13:1-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo