Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vafiripi 3:1-21

Vafiripi 3:1-21 SCLBD

Pokupedzisira hama dzangu ndinoti farai muna Tenzi. Hachisi chinhu chinondinetsa kukunyorerai zvakare zvinhu zvandakambokunyorerai zvinotokuchengetedzai. Chenjererai imbwa dzavanhu dziya, chenjererai vanhu avo vanoita zvakaipa. Chenjererai vanhu ivavo vanodzingisa nokuti isu ndisu vedzingiso yechokwadi, vanonamata Mwari muMweya uye tinovimba naKristu Jesu. Hativimbi nezvinoitwa panyama kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda. Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa. Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo. Hama dzangu, batanai mukunditevedzera, muongorore vanogara zvakadaro, maererano nomuenzaniso watakakupai. Vamwe vazhinji vandaigara ndichikutaurirai, vandinokutaurirai zvakare nemisodzi padama, vanogara semhandu yomuchinjikwa waKristu. Mugumo wavo kuparara. Mwari wavo inhumbu uye vanozvirumbidza nezvavanofanira kunyara nazvo, mwoyo yavo iri pane zvapano pasi. Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake.

Verenga chikamu Vafiripi 3