Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Ini handinetswi nokukunyoreraizve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi. Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka; nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata noMweya waMwari, tinozvirumbidza muna Kristu Jesu, tisingavimbi nenyama, kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu anoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini. Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsiraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro ndiri muFarisi; pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurayiro ndakanga ndisina chandingapomerwa. Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurayiro, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda; kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.
Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.
Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.
Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi munomumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo. Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomuraviro iwoyu watasvika nawo patasvika.
Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kurarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu. Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu; kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.
Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake.