Kuverengwa Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Kuverengwa kana kuti Nhamba ibhuku rakanyorwa richitsanangura nhoroondo yavana veIsiraeri pavakafamba kwamakore makumi mana vachibva pagomo reSinai vakananga pamuganho wenyika iyo Mwari akanga avatsidzira kuti aizovapa. Bhuku iri rakanyorwa naMosesi, mugorea ra 1451 K.A.A. Rine chokuita nokuverengwa kwavaHebheru navaRevhi mushure mokunge tabhanakeri yavakwa yapirwa kuna Mwari. Bhuku iri rinoratidza pachena vana veIsiraeri vachidzungaira vari murenje. Pamwe vaiona zvinhu zvaivatyisa, nezvaivaoresa mwoyo. Dzimwe nguva vaipandukira Mwari, naMosesi, uyo akanga asarudzwa naMwari kuva mutungamiriri wavo. Asi Mwari akaramba achivanzwira tsitsi, achivasesedza kanapo vakanga vari vanhu vaisamuteerera. Mosesi, nokutenda kwake kuna Mwari nokuvanhu vake, akaita kuti Mwari azvidzore pahasha dzake.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku roKuverengwa
VaIsiraeri vanogadzirira kubva paSinai (1:1—9:23)
a) Kuverengwa kokutanga (1:1—4:49)
b) Mutemo nezvakatemwa (5:1—8:26)
c) Pasika yechipiri (9:1–23)
Kubva pagomo reSinai kuenda kuMoabhu (10:1—21:35)
Zviitiko munyika yeMoabhu (22:1—32:42)
Zvakaitika zvose parwendo rwokubva Ijipiti kuenda kuMoabhu (33:1–49)
Dzidziso vasati vabira rwizi rweJorodhani (33:50—36:13)
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.