Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 2

2
Marongero amatendhe amadzinza
1Tenzi akataurira Mosesi naAroni kuti, 2vaIsiraeri pavanodzika matendhe avo mumwe nomumwe ngaagare pane mureza wake ari mudzinza rake, rine mureza warowo. Matendhe ngaadzikwe akapoteredza tendhe rinoera.
3Vachadzika matendhe avo nechokumabvazuva ndovomureza wamatendhe edzinza rokwaJudha, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza rokwaJudha iri anenge ari Nahishoni mwanakomana waAminadhabhu, 4chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu mazana makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina, zvina mazana matanhatu.
5Vachadzika matendhe avo padyo nevokwaJudha ndevedzinza raIsakari. Mutungamiriri wedzinza raIsakari anenge ari Netaneri mwanakomana waZuaru, 6chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana. 7Kouyawo vedzinza raZebhuruni, mutungamiriri wedzinza raZebhuruni anenge ari Eriabhu mwanakomana waHeroni, 8chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvina mazana mana. 9Vomumatendhe edzinza rokwaJudha, chikwata nechikwata, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi masere ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mana avanhu. Ivava ndivo dzinza rokutanga kusumuka kana moita rwendo.
10Vachadzika matendhe avo nechokumaodzanyemba ndowomureza wamatendhe edzinza raRubheni, vachange vari muzvikwata nezvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raRubheni iri anenge ari Erizuru mwanakomana waShedheuru. 11Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu zvina mazana mashanu. 12Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raSimeoni. Mutungamiriri wedzinza raSimeoni anenge ari Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai. 13Hondo yake sokuverengwa kwayakaitwa inenge iri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe zvina mazana matatu.
14Kouyawo vedzinza raGadhi, mutungamiriri wedzinza raGadhi iri, anenge ari Eriasafu mwanakomana waReueri. 15Chikwata chake sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chine vanhu makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana matanhatu ana makumi mashanu. 16Vomumatendhe edzinza raRubheni vachange vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rimwechete rina makumi mashanu ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mana ana makumi mashanu avanhu. Ivava ndivo dzinza rechipiri kusumuka kana moita rwendo.
17Tendhe rokusanganira rinobva ratevera rakatakurwa nevematendhe edzinza rokwaRevhi richange riri nechapakati pamatendhe amadzinza ose, sokudzika kwavanenge vakaita matendhe avo, ndokusumuka kwavanoitawo kana voita rwendo, vanenge vakati iri dzinza paro, iri dzinza paro, rimwe nerimwe riine mureza warowo.
18Vachadzika matendhe avo nechokumadokero, ndovomureza wedzinza raEfuremu, vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raEfuremu anenge ari Erishama, mwanakomana waAmihudhi. 19Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ana mazana mashanu. 20Vachadzika matendhe avo pedyo navo ndevedzinza raManase. Mutungamiriri wedzinza raManase iri anenge ari Gamarieri, mwanakomana waPedhazuru. 21Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana maviri. 22Kouyawo vedzinza raBhenjamini, mutungamiriri wedzinza raBhenjamini iri, anenge ari Abhidhani mwanakomana waGidheoni. 23Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu zvina mazana mana. 24Vomumatendhe edzinza raEfuremu, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete izana rezviuru nezviuru zvisere zvina zana rimwechete ravanhu. Ivava ndivo dzinza rechitatu kusumuka kana moita rwendo.
25Vachadzika matendhe avo nechokuchambembe ndowomureza wedzinza raDhani vachange vari muzvikwata zvavo. Mutungamiriri wedzinza raDhani iri, anenge ari Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai. 26Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana manomwe. 27Vachadzika matendhe avo pedyo naye ndevedzinza raAsheri. Mutungamiriri wedzinza raAsheri iri anenge ari Pagieri mwanakomana waOkirani. 28Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa chinenge chiri vanhu makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete china mazana mashanu. 29Kouyawo vedzinza raNafutari. Mutungamiriri wedzinza raNafutari iri, anenge ari Ahira mwanakomana waEnani. 30Chikwata chake, sokuverengwa kwachakaitwa, chinenge chiri vanhu makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mana. 31Vomumatendhe okwaDhani, vari muzvikwata zvavo, vose pamwechete vaisvika zana rina makumi mashanu ezviuru nezviuru zvinomwe zvina mazana matanhatu avanhu. Ivava ndivo dzinza richasumuka kokupedzisera vari mureza nomureza. 32Ivava ndivo vaIsiraeri vose vakaverengwa nedzimba dzamadzibaba avo, mumatendhe avo. Vakaverengwa muzvikwata nezvikwata zvavo vaisvika mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu zvina mazana mashanu ana makumi mashanu avanhu. 33Asi vaRevhi havana kuverengerwa mumadzinza mamwe ose avaIsiraeri sokurayirwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 34VaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naTenzi. Vaidzika matendhe pane mireza yavo saizvozvo vaisimudzira rwendo munhu wose ari mumhuri yokwake nemba yokwababa vake.

Zvasarudzwa nguva ino

Kuverengwa 2: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda