Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 18

18
Mabasa avapristi neevaRevhi
1Tenzi akataurira Aroni achiti, “Kana pane chinokanganiswa pakushanda munzvimbo inoera, mhosva ndeyako iwe navanakomana vako vemhuri yokwako. Asi kana zvava zvebasa roupristi ndiwe navanakomana vemhuri yokwako bedzi muchava nemhosva. 2Uya nehama dzako dzedzinza rokwaRevhi kuti vaite basa vachibatsira iwe navanakomana vako pamunenge muchishanda mutendhe reuchapupu. 3Vachava vashandiri venyu uye vachaitawo mabasa ose omutendhe iroro. Asi ngavarege kubata zvemidziyo yomunzvimbo inoera kana kusvika pedyo neatari kuti ivo newe murege kufa. 4Vachauya kuzobatana newe vari vashandi vomutendhe rinoera vachiita mabasa omo, mumwe munhuwo zvake, ngaarege kuuya kuzokubatsira. 5Mabasa omunzvimbo inoera, neepaatari, achaitwa nemi chete kuti hasha dzangu dzirege kumukirazve vaIsiraeri. 6Chinzwa, ini ndini ndasarudza hama dzako vaRevhi pakati pavaIsiraeri, vava chipo chawapiwa. Vapirwa kwandiri kuti vaite basa romutendhe rokusanganira. 7Asi iwe navanakomana vako ndimi moga muchaita basa roupristi nerezvose zvepaatari neremumupanda unoeresesa museri mejira rokudzikatirisa. Ndiro basa rako. Ndinokupa chipo choupristi. Asi mumwe munhuwo zvake anoedza kuita basa iroro ngaaurayiwe.”
Mugove wavapristi
8Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. 9Izvozvi ndizvo zvaunopiwa zvinenge zvasiyiwa pamipiro inoeresesa yandinopisirwa navaIsiraeri pamipiro yembesanwa nemipiro yokuchenura munhu nemipiro yokupfupira mhosva. Ndiwo mugove wako navanakomana vako. 10Zvinhu izvozvi zvinoera, zvidyirei panzvimbo inoera. Ngazvidyiwe navanhurume chete.
11“Zvimwe zvamuchapiwa navaIsiraeri ndeizvi: zvipo zvemipiro yavo, nemipiro yavo yose inovheyeswa ichipirwa kuna Mwari. Zvinhu izvozvi ndapa iwe navanakomana navanasikana vako. Ndezvenyu narini narini. Ani naani wemhuri yako anenge asina kun'ora anobvumirwa kuzvidya. 12Ndakupa mafuta ose akanaka eorivhi, newaini yose yakanaka nembesanwa dzose dzakanaka, nemichero yokutanga yavanopa Tenzi. 13Zvose zvinotanga kuibva zvomuminda yavo zvavanopa Tenzi ndezvako. Munhu wose anenge asina kun'ora wemhuri yako anobvumirwa kuzvidya.
14“Zvose zvinenge zvatemwa chaizvo kuti zvava zvaTenzi ndezvako. 15Matangwe ose, chose chinotanga kuzarura nhumbu, angava avanhu kana emhuka avanouya nawo, kuzopira kuna Tenzi, ndeako. Asi dzikinurisa matangwe avanhu neemhuka dzakanora. 16Matangwe iwayo ngaadzikinurwe mumwedzi wawo wokutanga nemari yesirivha inokwana mashekeri mashanu, shekeri racho rine mwero weshekeri remunzvimbo inoera iine uremu hwamagiramu gumi nemaviri. 17Asi usadzikinurise matangwe emombe kana ehwai kana embudzi. Anoera. Sasa ropa rawo paatari upire mafuta awo uite mupiro unoita zvokupiswa nemoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. 18Asi nyama yacho ndeyako sezvakaita chityu nechidya chokurudyi zvomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, ndezvako. 19Mipiro yose inoera inosimudzirwa ichipirwa kuna Tenzi navaIsiraeri ndapa iwe navana vako vakomana navasikana narini narini. Ichocho chitenderano chomunyu,#18:19 Chomunyu: Zvinoreva chokugara nokugara. chaTenzi nemi, ndochitenderano chinozadziswa nokudya chichagara chiripo pazvizvarwa zvenyu zvose.”
20Tenzi akati kuna Aroni, “Iwe hauwani nhaka munyika yavaIsiraeri kana kupiwa mugove pakati pavo. Ini ndini mugove wako nenhaka yako muvaIsiraeri.
Mugove wavaRevhi
21“Ndapa vaRevhi nhaka yechegumi chose chandinopiwa navaIsiraeri. Ndiwo mugove wavanopiwa pamusana pebasa ravanoita mutendhe rokusanganira. 22VaIsiraeri ngavachirega kusvika pedyo netendhe rokusanganira nokuti vangadaro vakapara mhosva vakafa, 23asi vaRevhi ndivo vachaita basa romutendhe rokusanganira, ivo vangapare mhosva. Murao iwoyu uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pakati pavaIsiraeri vose vaRevhi havana nhaka. 24Chegumi chavaIsiraeri chavanounza kuzopira kuna Tenzi ndachipa kuvaRevhi senhaka yavo ndokusaka ndati havana nyika yenhaka mukati mavaIsiraeri.”
Chegumi chinobviswa navaRevhi
25Tenzi akataurira Mosesi achiti, 26“Udza vaRevhi kuti, kana magamuchira chegumi chinobviswa navaIsiraeri chandinokupai chichibva kwavari senhaka bvisai mupiro pachiri mupire kuna Tenzi, chiri chegumi pane chegumi ichocho. 27Chegumi ichocho chamunobvisa chichanzi ndicho mupiro wenyu wakafanana nemupiro wembesanwa dzinotanga kupurwa paburiro, newewaini itsva inotanga kusvinwa muchisviniro. 28Saka imi bvisaiwo chipo chokupira Tenzi chichibva pane zvegumi zvose zvamunogamuchira zvinobva kuvaIsiraeri. Pane zvegumi izvozvo bvisai mugove waMwari mupe Aroni mupristi. 29Pamipiro yose inounzwa kwamuri, sarudzai zvaTenzi zvakanakisisa zvazvo zvive zvinoera zvinopirwa kuna Tenzi. 30Saka taurira vaRevhi kuti, kana mapira Tenzi chakanakisisa pazviri, zvinenge zvasara ndezvevaRevhi, sezvinoita murimi anopira mupiro wake wembesanwa dzokutanga, newewaini inotanga kusvinwa muchisviniro. 31Imi nemhuri dzenyu dyirai zvinenge zvasara pose pose pamunoda nokuti mubairo wenyu wamunopiwa wokushanda mutendhe rokusanganira kwamunoita. 32Hamuzovi nemhosva yacho kana mukatanga mapira zvakanakisisisa zvacho. Ipapo hamuzon'oresi mipiro inoera yavaIsiraeri, uye hamuzofi.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kuverengwa 18: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda