Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 14

14
VaIsiraeri vakanyunyutira Mosesi naAroni
1Gungano rose ravaIsiraeri rakaridza mhere usiku ihwohwo vakarara vachichema. 2Gungano rose rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Dai takafira zvedu kunyika yeIjipiti kana kuti tifire zvedu murenje muno! 3Seiko Mwari achida kuenda nesu kunyika iyoyo kundotiurayisa nehondo? Madzimai edu navana vedu vachatapwa. Hazvingatinakire here kana tikadzokera zvedu kuIjipiti?” 4Saka vakataurirana vachiti, “Ngatisarudzei mutungamiriri tidzokere kuIjipiti!”
5Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri. 6Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune, vamwe vavaya vakandosora nyika iya vakabvarura zvipfeko zvavo. 7Vakataurira mhomho yose yavaIsiraeri vachiti, “Nyika yatakaenda kundosora inyika yakanaka kwazvo kwazvo. 8Kana Tenzi achida, achatisvitsa ikoko achindotipa nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. 9Asi musapandukire Tenzi. Musatye vanhu venyika iyoyo. Tichavaita kanyama kanyama. Chinovadzivira chakabviswa asi Tenzi anesu. Saka musavatye!” 10Asi mhomho yose yavaIsiraeri yakada kuvatema namabwe. Pakarepo vaIsiraeri vose vakaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kutendhe rinoera.
Kuviruka kwaTenzi nehasha nokuteterera kwaMosesi
11Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ko vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vachasvikira riniko vasingavimbe neni kunyange ndakaita zvishamiso pakati pavo? 12Ndichavarakatisa nedenda ndigovaita kuti vave vanhu vasingakodzere kuwana nhaka. Ndigokuita iwe rudzi rukuru rune simba guru kupfuura ivo.”
13Asi Mosesi akateterera Tenzi achiti, “VaIjipiti vachazvinzwa nokuti imi makabvisa vanhu ava nesimba renyu vachibva mukati mavo. 14Vachazviudza vanhu vomunyika ino vakanzwa kuti imi Tenzi muri pakati pavo, muchinyatsoonekwa uso nouso! Gore renyu rinomira riri pamusoro pavo, muchivatungamirira neshongwe yegore masikati, usiku muchivatungamirira nezirimi romoto. 15Zvino kana mukauraya vanhu venyu vose ndudzi dzakanga dzanzwa mukurumbira wenyu dzichati, 16‘Tenzi akakundikana kusvitsa vanhu ava kunyika yaakanga avatsidzira, saka akavaurayira murenje.’ 17Zvino ndapota! Chiratidzai ukuru hwesimba renyu sokutsidza kwamakaita muchiti, 18‘Imi Tenzi hamukurumidze kushatirwa. Mune mwoyo wakachena. Munoregerera zvitadzo, munoregererawo kukanganisa. Kunyange zvakadaro hamuzorega kuranga vana nezvizukuru pamusana pezvitadzo zvavabereki vavo kusvikira kuchizvarwa chavo chechitatu nechechina.’ 19Ndapota regererai waro zvitadzo zvavanhu venyu ava nokuti mune tsitsi dzakawanda. Chiitirai vanhu ava mwoyo murefu sezvamakavaitira kubvira vachiri Ijipiti kusvikira iye zvino.”
Ruregerero nechirango
20Tenzi akati, “Ndavaregerera sokukumbira kwako. 21Asi ndinopika neni pachangu. Ndinopika nembiri yangu izere pasi pose ndichiti, 22‘Hakuna nomumwe wavanhu ava achapinda munyika iyoyo. Vakaona mbiri yangu nezvishamiso zvandakaita kuIjipiti nomurenje, asi vakandiedza kagumi kagumi vasinganditeerere. 23Hakuna nomumwe wavo achapinda munyika yandakapikira madzitateguru avo, kana vose vakandishora havambofa vakakutsika.’ 24Asi muranda wangu Karebhu ane mwoyo wakasiyana navamwe anonditeerera nomwoyo wose ndiye wandichasvitsa kunyika iyoyo yaakasvika ichava nhaka yezvizukuru zvake. 25Pamusana pokuti vaAmareki navaKanani vagere mumapani. Mangwana, imi tendeukirai kurenje mutore nzira inoenda kuGungwa Dzvuku.”
26Tenzi akataurira Mosesi naAroni achiti, 27“Ko vanhu ava vakaipa vacharamba vachindinyunyutira kusvikira riniko? Kundinyunyutira kwavaIsiraeri ndakunzwa. 28Chivaudza kuti, Tenzi ati, ‘Ndinopika neni pachangu, zvamataura ndichinzwa ndizvo zvandichakuitirai. 29Zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje rino. Vose vamakaverenga vaiva namakore makumi maviri navaiva naaipfuura iwayo, vakandinyunyutira 30hakuna nomumwe wavo achazopinda munyika yandakakupikirai kuti muzogaramo kusiya Karebhu mwana waJefune naJoshuwa mwana waNuni. 31Asi vana venyu vamati vachaitwa kanyama kanyama, ndivo vandichasvitsa ikoko. Vachaziva nyika yamakaramba. 32Asi imi zvitunha zvenyu zvichaita murakatira murenje muno. 33Vana venyu vachava vafudzi murenje kwamakore makumi mana vachatambudzika nokuda kwokusatendeka kwenyu kusvikira chitunha chenyu chokupedzisira chati rabada murenje muno. 34Muchaona ndondo kwamakore makumi mana nokuti manditadzira. Handiti makapedza mazuva makumi mana muchisora nyika iyoyo? Saka zuva roga roga richava gore muchirangirwa zvitadzo zvenyu. Kwamakore makumi mana muchanyatsoziva kuti rushambwa rwokufuratirwa neni rwakaita sei. 35Ini Tenzi, ndinotsidza kuti zvandataura ndizvozvo zvandichaita kwamuri; mhomho yavanhu vakaipa vaunganidzana kuzondipandukira. Imo murenje muno, ndimo mavachaperera. Imo muno ndimo mavachafira.’ ”
36Naizvozvo varume vakatumwa naMosesi kundosora nyika vakadzoka vakakonzera kuti gungano rose rimunyunyutire nokutaura kwavo zvakaipa nezvenyika iyoyo. 37Vanhu ivavo vakataura zvakaipa vakafa nedenda panaTenzi. 38Asi pavarume vaye vakandosora nyika Joshuwa mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune vakasara vari vapenyu.
VaIsiraeri vakamanikidzira kundorwa
(Kut 1:41–46)
39Mosesi akataurira vaIsiraeri vose mashoko iwayo vakabva vachema zvikuru. 40Vakafumomuka vakaenda kumusoro kunyika yamakomo vachiti, “Asi zvatava pano kudai ngatichiendai kunzvimbo yatakapikirwa naTenzi nokuti takatadzira Mwari.”
41Asi Mosesi ndokuti, “Ko munorambireiko zvataurwa naTenzi? Hazvimbobudirira izvi! 42Regai kuendako nokuti Tenzi haasi nemi. Muchandokundwa navavengi venyu! 43Kana vaAmareki navaKanani vouya kuzokurwisai vachakuurayai namapakatwa nokuti makafuratira Tenzi. Tenzi haazovi nemi.”
44Asi ivo vakangoenda kunyika yokumakomo, kunyange bhokisi rechitenderano raTenzi rakasara mumatendhe naMosesi asinawo kuenda navo. 45VaAmareki navaKanani vakanga vagere munyika yamakomo vakaburuka vakabva vavakunda ndokuvadzingirira kusvikira kuHorima.

Zvasarudzwa nguva ino

Kuverengwa 14: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda