Nehemiya 7
7
1Kuzoti zvino rusvingo rwavakwa kudaro, ndaisawo magonhi acho navachengetedzi vapamisuo mikuru, navaimbi navaRevhi vasarudzwa, 2ndakapa munun'una wangu Hanani naHananiya mutongi wakamuzinda kavarwi vehondo basa rokuona nezveJerusaremu pamusana pokuti aiva munhu ari pachokwadi uye anotya Mwari kupinda vazhinji. 3Ndakavati, “Misuo mikuru yeJerusaremu ngairege kuzarurwa kusvikira kwadziya. Pavanengewo vachiri kuchengetedza kudaro ngavapfige vaise mazariro kumagonhi acho. Sarudzai vokuchengetedza muvagari vomuJerusaremu mumwe nomumwe pake pokugaririra mumwe nomumwe ari pakatarisana nemba yake.”
Mazita nouwandu hwevanhu vakadzoka kuutapwa
(Ezira 2:1–70)
4Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. 5Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi:
6Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. 7Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana.
Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri:
8Vanakomana vokwaParoshi
zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri
9vokwaShefatiya
mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri
10vokwaAra
mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri
11Vanakomana vokwaPahatimoabhu
vari vokwaJeshua naMoabhu
zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere
12vokwaEramu
chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana
13vokwaZatu
mazana masere ana makumi mana navashanu
14vokwaZakai
mazana manomwe ana makumi matanhatu
15vanakomana vokwaBhinui
mazana matanhatu ana makumi mana navasere
16vokwaBhebhai
mazana matanhatu ana makumi maviri navasere
17vokwaAzigadhi
zviuru zviviri zvina mazana matatu
ane makumi maviri ana vaviri
18vanakomana vokwaAdhomikamu
mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe
19vokwaBhigivhai
zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe
20vokwaAdhini
mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu
21vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya
makumi mapfumbamwe navasere
22vokwaHashumu
mazana matatu ana makumi maviri ana vasere
23vokwaBhezai
mazana matatu ana makumi maviri ana vana
24vokwaHarifi zana negumi navaviri
25vanakomana vokwaGibheoni
makumi mapfumbamwe ana vashanu
26vokuBheterehemu nevokuNetofa
zana namakumi masere ana vasere
27vokuAnatoti
zana namakumi maviri ana vasere
28vokuBhetiazimavheti
makumi mana ana vaviri
29vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti
mazana manomwe ane makumi mana navatatu
30vokuRama nokuGebha
mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete
31vokuMikimashi
zana namakumi maviri ana vaviri
32vokuBhetieri neAi
zana namakumi maviri ana vatatu
33vokune imwe Nebho
makumi mashanu navaviri
34vokune imwe Eramu
chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana
35vokuHarimu
mazana matatu ana makumi maviri
36vokuJeriko
mazana matatu ane makumi mana navashanu
37vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno
mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete
38vokuSenaa
zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu.
39Vapristi:
vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba
yokwaJeshua vaiva
mazana mapfumbamwe
namakumi manomwe navatatu
40vokwaImero chiuru namakumi
mashanu ana vaviri
41vokwaPashihuru chiuru namazana maviri
ana makumi mana navanomwe
42vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe.
43VaRevhi: vana vokwaJeshua
vakomana vemba yokwaKadhimieri vari
vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana.
44Vaimbi: vana vokwaAsafu:
zana namakumi mana ana vasere.
45Vachengetedzi vapamisuo mikuru:
vana vokwaSharumu vakomana naAteri
naTarimoni naAkubhu naHatita
naShobhai vaiva zana rimwechete rine
makumi matatu nevasere.
46Vashandi vapaTemberi vaiva
vanakomana vaava vanoti:
Ziha naHasufa naTabhaoti
47naKerosi naSiya naPadhoni
48naRebhana naHagabha naSharumai
49naHanani naGidheri naGaheru
50naReaya naResini naNekodha
51naGazamu naUza naPesea
52naBhesai naMeunimu naNefusimu
53naBhakibhuku naHakufa naHarihuru
54naBhaziruti naMehidha naHarisha
55naBharikosi naSisera naTema
56naNezi naHatifa.
57Vanakomana vavaranda
vokwaSoromoni paiva
nevokwaSotai naSofereti naPeridha
58novokwaJaara naDharikoni naGidheri
59novokwaShefatiya naHatiri
naPokeretihazibhaimu naAmoni.
60Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri.
61Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete.
62Vakanga vari vanakomana vaava vanoti:
Deraya naTobhiya naNekodha.
Ivava ava vaiva vari
mazana matanhatu ane makumi mana navaviri.
63Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). 64Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora.
65Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu.
66Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. 67Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. 68Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. 69Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri.
70Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi.
71Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. 72Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti:
ndarama ingangoita zana
remakirogiramu rina makirogiramu makumi
matanhatu ana masere, nesirivha
yainge makirogiramu zana
nemakumi mana, namagemenzi
makumi matanhatu namanomwe avapristi.
73Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.