Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mika 2

2
1Zvichavawana, avo
vanorangarira kuita zvakaipa
vachironga kuita zvouipi
vari pamibhedha yavo!
Kukangochena chete
vobva vatozviita
nokuti simba rokuzviita vanaro.
2Vanochiva minda
voitora nechisimba,
vanochiva dzimba
vachidzibvuta.
Vanokukucha munhu
pamwechete nemhuri yake,
munhu nezvinhu zvake zvenhaka.
3Naizvozvo Tenzi anoti,
“Chinzwai
ini ndava kurongera mhuri
iyoyi zvinhu zvakaipa
zvamusingagoni kuzvitakanura pamutsipa.
Zvokufamba muchizvikudza zvichakupererai
nokuti inenge yava nguva yakaipa.
4Munguva iyoyo
kuchaimbwa rumbo rwokukusekai
imi muchihwihwidza kuchema
muchiungudza zvinosiririsa muchiti:
‘Tanyatsoparara isu,
nhaka yevokwangu,
yasandurwa, ndikaitorerwa.
Minda yokwedu yagoverwa zvayo
kuvanhu vakatipamba.’ ”#2:4 ChiHebheru chinoti, “Vapanduki.”
5Saka ipapo mugungano raTenzi,
munenge musisina munhu
anokupimirai migove
yenyu netambo.
6Vanoparidza vachiti,
“Musaparidze.
Rega kuparidza zvinhu zvakadaro.
Hapana chinotinyadzisa chichatiwira.”
7Imba yokwaJakobho
ingapinde rushambwa#2:7 rushambwa: izwi rechiHebheru pano rinogona kuturikirwa richinzi rushambwa kana kuti kutaura. nhai?
Tenzi haasisina mwoyo murefu here?
Ndiwo maitiro ake here?
Handiti ndinototaura zvakanaka
kune vanotevedza ururami?
8Imi ndimi matova mhandu
yacho kuvanhu vangu
munobvutira munhu asina
mhaka batye rake,
munhu anenge avarairwa
achiti hapana chinouya kwaari
momupa nhamo
yokunge ari muhondo.#2:8 ChiHebheru chendima iyi hachinyatsonzwisisika.
9Munodzinga imi
madzimai avanhu vangu
mudzimba dzavo dzavanoda kwazvo,
vana vavo munovabvutira nokusingaperi
chikomborero chandakavapa.
10Simukai muende
nokuti pano hapasisiri pokugara
pamusana pokun'ora kunoparadzwa zvikuru kwazvo
kuchaita kuti iparadzwe zvachose.
11“Kana munhu akafamba zvake
achitaura mwando zvawo enhema
achiti, ‘Regai ndikutaurirei
kuti waini nedoro zvichabooka,’
iyeyo ndiye angatova zvake ava muporofita
wavanhu ava.
Mwari anovimbisa kununura vanhu vake
12“Imi vokwaJakobho
ndichanyatsokukokorodzai
mose zvenyu,
ndichinyatsounganidza chitsama
chakasara chevokwaIsiraeri.
Ndichavaisa pamwechete
sedanga rehwai,
sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo,
vari mhomho chaiyo yavanhu.
13Iye achavavhurira nzira,
ndiye achavatungamirira
vachityora napasuo guru
vobuda napo.
Mambo wavo, Tenzi
ndiye achavatungamirira ari mberi.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mika 2: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda