Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 7:1-14

Mateu 7:1-14 SCLBD

“Musatonge vamwe, imiwo hamuzotongwi. Matongero amunoita vamwe ndiwo amuchatongwawo nawo. Mwero wamunoera nawo, ndiwo mwero wamuchaererwawo nawo. Unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni zidanda riri muziso mako kana kuti ungati sei kune hama yako rega ndikubvise kabanzu kari muziso rako, imo muziso rako muine zidanda. Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso rako. Ipapo unenge wava kunyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika–tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi. “Kumbirai muchapiwa, tsvakai muchawana, gogodzai muchazarurirwa. Nokuti wose anokumbira anopiwa. Anotsvaka anowana. Uye unogogodza achazarurirwa. Nokuti ndiani wenyu anoti kana mwana wake amukumbira chingwa, anomupa dombo. Kana kuti akakumbira hove omupa nyoka? Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira! Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rinotungamira kundoparadzwa rakapamhamha uye nzira yacho inyore, vanopinda napo vakawanda. Asi isuo rakamanikana uye nzira yacho yakaoma inoendesa kuupenyu, vanoiwana vacho vashoma.

Verenga chikamu Mateu 7