Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 7:1-14

Mateu 7:1-14 SNA2002

“Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho. Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai. “Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka aNowana; anogogodza anozarurirwa. Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe? Kana akakumbira hove, angamupa nyoka? Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari! “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita. “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuhupenyu, uye vanoiwana vashoma.

Verenga chikamu Mateu 7