Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 10:1-23

Mateu 10:1-23 SCLBD

Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’ “Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya.

Verenga chikamu Mateu 10