Zvino akadanira kwaari vadzidzi vake vane gumi navaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaibudise, nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.
Mazita avapostori vane gumi navaviri ndiwaya: Wokutanga Simoni, ainzi Petirosi, naAndireya, munun'una wake; Jakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake; Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateu, muteresi; Jakobho, mwanakomana waArifeo, naTadheo; Simoni muKanani, naJudhasi Isikarioti, uya wakamupandukira.
Ava vane gumi navaviri Jesu akavatuma, akavaraira, achiti,
“Musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria; asi zviri nani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsiraeri. Mufambe, muparidze, muchiti, ‘Ushe hwekudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu. Musatora ndarama kana sirivha, kana ndarira muzvikwama zvenyu; kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mushandi akafanira kuti apiwe zvokudya zvake.
“Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva.
“Kana muchipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Ani naani asingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, nyika dzeSodhoma neGomora dzicharerukirwa nezuva rokutongwa, kupfuura guta iro.
“Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka chenjerai senyoka, mururame senjiva. Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
“Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu.
“Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’