Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8

8
Vadzimai vairiritira Jesu navadzidzi vake
1Mushure maizvozvi Jesu akaenda nomumaguta nomumisha achiparidza nokushumaira Shoko Rakanaka roumambo hwaMwari. Akanga aina vane gumi navaviri vaya 2pamwechete namamwe madzimai akanga aponeswa kumweya yakaipa nokuzvirwere. Paiti Maria ainzi Magadharena akabviswa mweya yakaipa minomwe 3naJoana mudzimai waKusa, mushandi waHerodhi naSuzana navamwe vazhinji vaivariritira nezvinhu zvavo pachavo.
Muenzaniso womukushi wembeu
(Mat 13:1–9; Mak 4:1–9)
4Pakati paunganwa nechita chikuru chavanhu vachibva muguta neguta vachiuya kwaari, akavataurira nomuenzaniso uyu achiti:
5“Mukushi akaenda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha, dzimwe dzakawira munzira dzikatsikwatsikwa netsoka dzikadyiwa neshiri dzedenga. 6Dzimwe dzakawira parukangarahwe, asi padzakamera dzakaoma nokuti dzakanga dzisina unyoro. 7Dzimwe dzakawira muminzwa. Minzwa yakakurirana nadzo pamwechete ikadzivhunga. 8Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikakura dzikabereka zvakapetwa kazana. Paaitaura izvi akadaidzira achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe!’ ”
Jesu anotaurirei nemienzaniso
(Mat 13:10–17; Mak 4:10–12)
9Vadzidzi vake pavakamubvunza kuti muenzaniso uyo unorevei, 10iye akati, “Imi zvenyu makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwaMwari asi kuna vamwe inongova mienzaniso kuti kutarisa vatarise zvavo asi vasingaoni, uye kunzwa vanzwe zvavo asi vasinganzwisisi.”
Tsananguro yomuenzaniso womukushi
(Mat 13:18–23; Mak 4:13–20)
11Izvi ndizvo zvinorehwa nomuenzaniso uyu: Mbeu ndiro izwi raMwari. 12Dziya dzaparutivi penzira ndivo vaya vakanzwa izwi asi Satani anouya wobvisa izwi iroro mumwoyo mavo kuti varege kudavira uye kuti varege kuponeswa. 13Dzakawira parukangarahwe ndivo vaya vanoti vakanga vanzwa izwi vanorigamuchira norufaro asi ava havana midzi. Vanodavira kwechinguvana asi panguva yezviedzo vanobva vahedhuka. 14Dziya dzakawira mukati meminzwa ndivo vaya vanonzwa asi pavanoenda vanovhungwa nokuzvidya mwoyo noupfumi namafaro oupenyu. Zvibereko zvavo hazvisviki. 15Dziya dzakawira muvhu rakanaka, ndivo vaya vanoti kana vanzwa shoko vanoribatisisa zviri pachokwadi nemwoyo wakanaka. Vanobereka zvibereko nokutsungirira.
Mwenje haufaniri kukwidibirwa
(Mak 4:21–25)
16Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza. 17Hapana chakavigwa chisingazoburitswa pachena kana chii zvacho chakavanzika chisingazozivikanwa chichiiswa pachena. 18Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho.
Hama chaidzo dzaJesu
(Mat 12:46–50; Mak 3:31–35)
19Kwakazouya amai vake navakoma navanun'una vake asi havana kukwanisa kusvika paari pamusana pechita chavanhu. 20Akataurirwa kuti amai venyu navakoma navanun'una naye vamire panze. Vanoda kukuonai. 21Asi iye akati kwavari amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavavo vanonzwa shoko raMwari vachiita zvarinoreva.
Jesu anonyaradza dutu mugungwa
(Mat 8:23–27; Mak 4:35–41)
22Rimwe zuva Jesu akapinda mugwa navadzidzi vake. Akati kwavari ngatiyambukirei kumhiri kwegungwa. Nezvo vakatangisa kuenda. 23Pavakanga vachienda kudaro Jesu akakotsira. Kwakauya dutu richivhuvhuta mugungwa. Igwa rakanga ravakuzara nemvura. Vakanga vava munjodzi. 24Vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi tava kuparara.” Akamuka akatsiura mhepo namasaisai namafungu anotyisa. Zvakabva zvaganhuka kukabva kwati dzika–dzika. 25Akavati, “Chitendero chenyu chiripi?” Vakabva vava kutya uye vakakatyamadzwa. Vakataurirana vachiti, “Ko uyu ndiani uyu anotoudza kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Jesu anoporesa munhu aiva negurumwandira remweya yakaipa
(Mat 8:28–34; Mak 5:1–20)
26Vakazosvika kunyika yavaGerasini yakatarisana neGarirea. 27Paakangoti achiti budei mugwa akasangana nomunhu aibva muguta iroro aiva nomweya wakaipa. Kwenguva ndefu akanga asingapfeki hanzu. Akanga asingagari mumba asi aigara kumakuva. 28Paakaona Jesu akazhamba akawira pasi pamberi pake ndokudaidzira achiti, “Unei neni Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirisa zvangu kuti usandirwadzise.” 29Chikonzero ndechokuti Jesu akanga ati mweya wetsvina ubude mumunhu iyeyo nokuti kazhinji mweya wakaipa waimugara. Aigara akatochengetedzwa akasungwa nengetani namajoti asi aidambura zvisungo izvozvo achitinhirwa kurenje nomweya wakaipa.
30Ipapo Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akati, “Ndinonzi Hondo”#8:30 Gurumwandira muchiGiriki munoti rigini. Iri izwi rechiuto rinoreva masoja anopfuura zviuru zvitatu. nokuti mweya yakaipa yakawanda yakanga yapinda maari. 31Yakamuteterera kuti asaiendese kugomba rakadzikisisa. 32Zvino ipapo paiva nedanga renguruve dzakawanda dzaifura zvadzo mujinga megomo. Yakamukumbira kuti ipinde madziri. Akaibvumidza. 33Mweya yakaipa yakabuda mumunhu uya ikapinda munguruve dziya. Danga riya rakati ware roteremuka napamawere marefu ndiye rove rove mugungwa kunyura.
34Vafudzi pavakaona zvakanga zvaitika, ndokuti warewo kutiza; vakandotaura muguta nomumaruwa zvakanga zvaitika. 35Vanhu vakabuda kundoona zvakanga zvaitika. Vakauya kuna Jesu vakawana munhu uya makanga mabuda mweya yakaipa, akagara pasi patsoka dzaJesu akatopfekawo uye pfungwa dzake dzava pamwechete. Vakatya. 36Avo vakanga vazviona vakavataurira kuti uya akanga akagarwa nemweya yakaipa akaporeswa sei. 37Zvino vanhu vose vemunharaunda yenyika yeGerasini vakamukumbira kuti abve zvake kwavari nokuti vakabatwa nokutya kukuru. Nokudaro Jesu akapinda mugwa ndokubva adzokera. 38Murume uya akabviswa mweya yakaipa akakumbira kuti arambe ainaye, asi Jesu akamuti aende zvake achiti, 39“Dzokera kumusha kwako undorondedzera kuti Mwari akakuitira zvakadii.” Nokudaro akaenda achiparidza nomuguta rose kuti Jesu akanga amuitira zvakadii.
Mwanasikana waJairosi nomukadzi akabata hanzu yaJesu
(Mat 9:18–26; Mak 5:21–43)
40Jesu paakadzoka, chita chavanhu chakamugamuchira nokuti vose vakanga vakamumirira. 41Hoyo mumwe murume anonzi Jairosi akanga ari mutongi wesinagogu akauya. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamukumbirisa kuti auye kumba kwake 42nokuti aiva nomwanasikana mumwechete oga aiva namakore anenge gumi namaviri akanga avakuda kufa. Paakanga achiendako, vanhu vakanga vakamukomberedza vakanga vachidzvinyirirana naye. 43Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro#8:43 Baro: Chirwere chomukadzi aibuda ropa. kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera#8:43 Akanga apedzera...kuvarapa, mazwi aya anowanika mune mamwe maBhaibhiri akare. zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa. 44Akauya neshure kwake akabata mupendero wehanzu yake. Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda. 45Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita#8:45 Pita: Vamwe vanopamhidzi mazwi aya anoti, “Vaiva navo navamwe vose.” “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!” 46Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.” 47Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. 48Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.”
49Paakanga achiri kutaura mumwe munhu akabva kumba kwomutungamiriri uya, akauya achiti, “Mwanasikana wenyu atofa chiregai kunge muchanetsa zvenyu mudzidzisi.” 50Asi Jesu paakanzwa izvi akapindura achiti, “Usatye tenda chete achaponeswa.” 51Pavakasvika pamba hapana waakabvumira kupinda naye kusiya Pita naJemusi naJohani naBaba naamai vomwana iyeyo. 52Vose vakanga vachimuungudza vachimuchema asi iye akati, “Musachema nokuti haana kufa, akakotsira.” 53Vakamuseka nokuti vaiziva kuti afa. 54Akabata musikana uya ruoko akadaidzira achiti, “Musikana muka.” 55Mweya wake wakadzoka akamuka pakarepo. Jesu akati ngaapiwe chimwe chinhu chokudya. 56Vabereki vake vakashamiswa zvikuru asi akavakohomedza kuti vasawane wavanotaurira zvakanga zvaitika.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 8: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Vhidhiyo re Ruka 8