Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 4

4
Kuedzwa kwaJesu
(Mat 4:1–11; Mak 1:12–13)
1Zvino Jesu, azere naMweya Mutsvene, akadzoka achibva kuna Jorodhani. Akatungamirirwa naMweya mugwenga 2kwamazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Pamazuva iwayo haana chaakadya; zvino pakupera kwawo akaziya nenzara. 3Satani akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti ibwe iri rive chingwa.” 4Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga.’ ” 5Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, 6akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. 7Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” 8Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ” 9Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, 10nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve 11‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” 12Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.” 13Kuzoti Satani apedza mitoo yose yokumuedza nayo akambomusiya kusvikira pane imwe nguva.
III: BASA RAJESU MUDUNHU REGARIREA
Jesu anotangisa kuita basa rake muGarirea
(Mat 4:12–17; Mak 1:14–15)
14Zvino Jesu akadzokera Garirea ava nesimba raMweya; mukurumbira wake ukapararira kwose kwose munharaunda iyoyo. 15Akadzidzisa mumasinagogu avo achirumbidzwa navanhu vose.
Jesu anorambwa muNazareti
(Mat 13:53–58; Mak 6:1–6)
16Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge 17ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi,
18“Mweya waTenzi uri pandiri
nokuti akandizodza
kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo.
Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo
namapofu zvekusvinudzwa kwawo,
nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa,
19uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.”
20Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa. 21Zvino akatanga kutaura kwavari achiti, “Nhasi uno, gwaro dzvene iri ramazvinzwira nenzeve dzenyu razadziswa.” 22Vose vakataura zvakanaka nezvake, uye vakashamiswa namazwi anotora mwoyo akabuda mumuromo make. Vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefi here?” 23Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.” 24Uye ndokuti, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika make. 25Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose, 26asi Eriya haana kutumwa kune imwe yadzo kusiya chete kune mukadzi aive chirikadzi kuZarefati munyika yeSidhoni. 27Uyezve muIsiraeri maiva navazhinji vaiva namaperembudzi panguva yomuporofita Erisha asi hakuna nomumwe wavo akabviswa maperembudzi akachenurwa, kunze kwaNaamani muSiria.” 28Pakunzwa izvi, vose vakanga vari musinagogu vakazadzwa nehasha. 29Vakasimuka vakabva vamudzingira kunze kweguta, vakandosvika naye pamusoro pegomo, pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusaidzire kumawere. 30Asi iye akapfuura napakati pavo, ndokuenda zvake.
Jesu anoporesa munhu aiva nemweya wakaipa kuKaperinaumu
(Mak 1:21–28)
31Jesu wakazodzika Kapenaumu, guta reGarirea, kwaakadzidzisa vanhu pamusi weSabata. 32Vakashamiswa kwazvo nokudzidzisa kwake nokuti zvaaitaura zvaiva nechiremera. 33Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti; 34“Aa! Ko tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva; kuti ndiwe ani; ndiwe Mutsvene waMwari.” 35Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza. 36Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.” 37Mukurumbira wake wakanzwika mudunhu iro rose.
Jesu anoporesa vambuya vaSimoni uye vanhu vazhinji
(Mat 8:14–17; Mak 1:29–34)
38Jesu akazosimuka obva pasinagogu ndokundopinda mumba maSimoni. Vambuya vaSimoni vakanga vachirwara kwazvo, muviri wavo uchipinda chando zvikuru. Vakavakumbirira kuna Jesu. 39Iye akandomira pedyo navo ndokutaurira denda kuti ribve mavari. Denda ndokubva ravasiya. Pakarepo vakabva vasimuka vakavashandira.
40Kuzoti zuva rovira, vose vaiva navarwere vana matenda akasiyana–siyana, vakauya navo kwaari, iye ndokuisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa. 41Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira#4:41 Kukanyudza kana kuti kukarira. asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho.
Jesu anoparidza mumasinagogu eJudhea
(Mak 1:35–39)
42Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. 43Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.” 44Ndokubva aparidza mumasinagogu eJudhea.#4:44 Mamwe maBhaibhiri anoti mumasinagogu eGarirea.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 4: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Vhidhiyo re Ruka 4