Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.” Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove.
Verenga chikamu Ruka 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 11:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo