Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:25-35

Ruka 10:25-35 SCLBD

Heyo nyanzvi yomutemo yakasimuka kuti imuedze ichiti, “Mudzidzisi ndingaiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi.” Jesu akati kwaari, “Ko mumutemo makanyorwa kuti kudii? Chii chaunoonamo pakuverenga kwako?” Iye akapindura achiti, munoti “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nemweya wako wose nesimba rako rose nepfungwa dzako dzose uye ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Iye akati kwaari, “Wapindura zvakanaka, chiita saizvozvo, uchararama.” Nokuda kuzviita munhu kwaye akati kuna Jesu, “Mumwe wangu ndiani?” Jesu akapindura achiti, “Mumwe murume aidzika kuJeriko achibva kuJerusaremu. Akawira mukati memakororo. Vakamubvisa hanzu dzake vakamurova vakaenda vachisiya ava kuda kufa. Zvakaitika kuti mupristi aidzika nomugwagwa iwoyo. Paakamuona akamunyenyeredza nokoko. Ndizvo zvimwechetezvo nomuRevhi, paakasvikapo akamuona akamunyenyeredzawo nokoko. Asi mumwe muSamaria aifambawo rwendo. Akasvikawo paakanga ari. Paakamuona, akamunzwira tsitsi. Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa. Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ”

Verenga chikamu Ruka 10