Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:25-35

Ruka 10:25-35 SNA2002

Zvino mumwe mududziri womurayiro akasimuka, akamuedza, achiti, “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?” Akati kwaari, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unorava sei?” Iye akapindura, akati, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.” Akati kwaari, “Wapindura zvakanaka; ita izvozvo, ugorarama.” Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kuna Jesu, “Wokwangu ndianiko?” Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa. Zvino mumwe mupristi akanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona, akamunyenyeredza. Nokudaro muRevhiwo akasvikapo, akamuona, akamunyenyeredza. Zvino mumwe muSamaria, akanga ari parwendo, akasvika kwaari; akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta. “Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa muridzi weimba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”

Verenga chikamu Ruka 10