Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:34-45

Ruka 1:34-45 SCLBD

Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”

Verenga chikamu Ruka 1