Mupiro 23
23
Mazuva makuru ezvokunamata
1Tenzi akati kuna Mosesi, 2“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Mazuva makuru aTenzi andakasarudza amunofanira kuti ave mazuva emusangano mutsvene ezvokunamata ndeaya. 3Basa ngariitwe mumazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata, zuva guru rokuzorora romusangano mutsvene wezvokunamata musaite basa pazuva iroro iSabata naTenzi kwose kwose kwamunenge mugere. 4Aya ndiwo mazuva makuru akasarudzwa naTenzi nemisangano mitsvene yezvokunamata amunofanira kuudza vanhu kana nguva yawo yasvika.’
Zuva guru rePasika namazuva echingwa chisina mbiriso
5“Zuva rechigumi nemana romwedzi wokutanga zuva rodoka, ndiro zuva rePasika yaTenzi. 6Zuva rechigumi nemashanu remwedzi wakarewo izuva guru raTenzi reChingwa chisina mbiriso. Munofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. 7Pazuva rechiposhi munofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. 8Asi kwamazuva manomwe pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto. Pazuva rechinomwe itai musangano mutsvene wezvokunamata, murege kuita basa rinorema. 9Tenzi akati kuna Mosesi, 10Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana masvika kunyika yandiri kukupai mukakohwa mbesa dzayo torai chisumbu chembesa dzamunotanga kukohwa mupe mupristi.’ 11Ngaapire chisumbu ichocho aite mupiro unovheyeswa uchipirwa kuna Tenzi kuti akugamuchirei. Pazuva rinotevera Sabata, mupristi ndipo paanosimudza achiupira kuna Tenzi. 12Pazuva ramunoita mupiro unosimudzirwa uchipirwa Mwari, munofanira kupira Tenzi hwayana hono, ine gore rimwechete, isina chinoshoreka yomupiro wokupisa. 13Toraiwo makirogiramu maviri eupfu muhukanye namafuta eorivhi mupire kuna Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza, pamwechete nawo pirai mupiro wezvokunwa wewaini inokwana rita rimwechete. 14Musambodya zvenyu chingwa kana mbesanwa dzakakangwa kana kudya zvomumunda zvinyoro, kusvikira pazuva rakarero kusvikira matounza mupiro waTenzi iwoyu. Murao iwoyu uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose kwose kwose kwamunenge mugere narini wose.
Zuva guru rokupemberera kukohwa
(Kuve 28:26–31)
15“Kubvira pazuva rinotevera Sabata rechinomwe pamunounza chisumbu chembesanwa chinosimudzirwa chichipirwa verengai mavhiki manomwe azere. 16Kana kwapera maSabata manomwe, zuva ramangwana racho rinobva rakwanisa mazuva makumi mashanu ipapo pirai Tenzi mumwe mupiro wembesanwa itsva. 17Muchaunza kubva kudzimba dzenyu zvingwa zviviri zvinosimudzirwa zvichipirwa kuna Mwari. Chingwa choga choga ngachibikwe noupfu hunorema makirogiramu maviri, huri hwekoroni hwakanyatsokuyiwa, chibikwe chiine mbiriso sembesa dzokutanga kuibva dzinopirwa Tenzi. 18Pamwechete nechingwa ichocho munofanira kupira hwayana nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka padziri, nehandira imwechete nembudzi mbiri. Ngazvive zvomupiro wokupisa pamwechete nemupiro wazvo wembesanwa nemupiro yazvo yezvokunwa. Iwoyu mupiro unoita zvokupiswa nomoto unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. 19Munofanira kupira mbudzi hono imwechete, yomupiro wokupfupira zvitadzo nehwayana mbiri, hono, dzine gore rimwechete sechibayiro chomupiro wekuwadzana. 20Mupristi ngaazvisimudze achizvipira nechingwa chiya chembesanwa dzinotanga kukohwiwa somupiro unosimudzwa uchipirwa kuna Tenzi nehwayana mbiri. Zvinhu izvozvi zvinenge zvapirwa kuna Tenzi, zvinoera, zvinozopihwa vapristi. 21Pazuva rakarero daidzirai musangano mutsvene wezvokunamata. Musaite basa rinorema. Iwoyu, mutemo uchagara uripo, narini wose, kwose kwamunenge mugere, pazvizvarwa zvenyu zvose.
22“Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kumuchetocheto kana kufuhwa mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.”
Zuva guru reGoreidzva
(Kuve 29:1–6)
23Tenzi akataurira Mosesi achiti, 24“Udza vaIsiraeri kuti ‘Zuva rokutanga romwedzi wechinomwe, izuva guru rokuzorora, zuva romusangano mutsvene wezvokunamata, rinopembererwa nokuridza mupururu. 25Musamboita zvenyu basa rinorema, munofanira kupira mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi.’ ”
Zuva guru rokuripira zvitadzo nokuwadzana naMwari
(Kuve 29:7–11)
26Tenzi akataurira Mosesi achiti, 27“Zuva rechigumi remwedzi iwoyu wechinomwe, izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi. Kwamuri inguva yamunofanira kuita musangano mutsvene wezvokunamata. Munofanira kuzvinyima mupire Tenzi mupiro wokupisa nomoto. 28Musamboita zvenyu basa pazuva iroro nokuti izuva rokuripira zvitadzo nokuwadzana naTenzi, Mwari wenyu. 29Ani naani anorega kuzvinyima pazuva iroro achachekwa ukama novokwake. 30Ani naani anotoita zvake basa pazuva iroro munhu iyeyo ndichamuparadza pakati pevokwake. 31Musamboita zvenyu basa. Murao iwoyu uchagara uripo narini wose pazvizvarwa zvenyu zvose, kwose kwamunenge mugere. 32Kwamuri, zuva iri, iSabata guru rokuzorora. Munofanira kuzvinyima kubvira manheru ezuva rechipfumbamwe romwedzi iwoyo. Chengetai Sabata kubvira manheru iwayo kusvikira mangwana manheru.”
Mazuva makuru ematumba okupemberera Tenzi
(Kuve 29:12–40)
33Tenzi akati kuna Mosesi, 34“Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kubvira pazuva rechigumi namashanu romwedzi wechinomwe chengetai mazuva makuru amatumba okupemberera Tenzi.’ 35Zuva rokutanga racho izuva romusangano mutsvene wezvokunamata, hamufaniri kuita basa rinorema. 36Kwamazuva manomwe iwayo pirai Tenzi mipiro wokupisa nomoto. Pazuva rorusere ngapaitwe musangano mukuru mutsvene wezvokunamata, mupire kuna Tenzi mupiro wokupisa, musangano mukuru, musaite basa rinorema. 37Iwaya ndomazuva makuru akasarudzwa naTenzi amunofanira kuita misangano mitsvene yezvokunamata, amunopira Tenzi mipiro yokupisa nomoto, nemipiro yokupisa nemipiro wembesanwa nezvibayiro nemipiro yezvokunwa, zuva nezuva riine mipiro yaro 38tisingaverengeri maSabata aTenzi, kana zvipo zvenyu, kana mupiro yezvakambotsidzwa kana mipiro yokupa nechido chenyu, yamunopira kuna Tenzi.
39“Kubvira pazuva rechigumi nemashanu romwedzi wechinomwe, pamunenge mapedza kukohwa minda yenyu, chengetai mazuva makuru iwayo okupemberera Tenzi, kwamazuva manomwe, Zuva rokutanga ngarive zuva guru rokuzorora. 40Zuva rorusere ngarive zuva guru rokuzorora rokutanga, tanhai michero yakanaka yemiti yenyu yamakasima. Toraiwo mapazi omurara neemimwe miti ine mashizha mazhinji, neemushambangwena yomurwizi, mufare muchipemberera pamberi paTenzi Mwari wenyu kwamazuva manomwe. 41Chengetai mazuva makuru iwaya okupemberera Tenzi kwamazuva manomwe pagore. Iwoyu, murao uchagara uripo narini wose, pazvizvarwa zvenyu zvose. Uchengetei mumwedzi wechinomwe. 42Garai mumatumba kwamazuva manomwe. Munhu wose, muIsiraeri, ngaagare mumatumba, 43kuitira kuti zvizvarwa zvenyu zvizive kuti ini ndakagarisa vaIsiraeri mumatumba, pandakavaburitsa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro.”
44Saizvozvo Mosesi akaudza vaIsiraeri mazuva makuru akasarudzwa okupemberera Tenzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Mupiro 23: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.