Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 9

9
F: VAGIBHEONI VANONYENGEDZA JOSHUWA VACHIITA NAVO CHITADZO
1Kuzoti izvozvi zvanzwikwa namadzimambo ose akanga agere kumhiri kwaJorodhani munyika yamakomo nenyika yamapani nokumahombekombe kwose kweGungwa guru#9:1 Gungwa guru: Ndiro ngungwa reMedhiterenieni. kwakatarisana neRebhanoni, vaHiti navaAmori navaKanani navaPerezi navaHivhi navaJebhusi vakazvinzwa, 2vakakokorodzana vakaita rimwe rokurwisa Joshuwa navaIsiraeri.
3Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakaitwa naJoshuwa kuguta reJeriko nereAi naivowo vakaita zvounyengedzi. 4Zvavakaita ndezvokuti vakaenda vachiita sokunge nhumwa dzenyika. Vakatora masaga matsaru vakaisa pamadhongi avo, nezvigubhu zvewaini zvamatehwe zvasakara zvakabvaruka-bvaruka zvakaitwa zvokusoneredzwa. 5Vakapfeka mutsoka shangu dzasakara dzine zvigamba. Vakapfekawo marengenya. Chingwa chembuva yavo chakanga chachiti papata kuoma chava nechiundudzi.
6Vakaenda kuna Joshuwa pamatendhe kuGirigari, vakataurira iye navaIsiraeri vachiti, “Tabva kunyika iri kure kwazvo. Zvino tinokumbirawo kuti muite chitenderano nesu.”
7Asi varume vechiIsiraeri vakati kuvaHivhi, “Ko zvimwe mungadaro muri vanhu vagere pakati pedu, tingagoita sei chitenderano nemi pakadaro?”
8Ivo vakati kuna Joshuwa, “Tiri varanda venyu.” Joshuwa akati kwavari, “Ko ndimi vanaani? Munobva kupi?”
9Vakati kwaari, “Isu varanda venyu tabva kunyika iri kure kure. Chatisvitsa kuno izita raTenzi Mwari wenyu nokuti, takanzwa nezvomukurumbira wake nezvose zvaakaita kuIjipiti, 10nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmori aiva kumhiri kwaJorodhani, aiti Sihoni mambo weHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara kuAshitaroti. 11Naizvozvo vakuru vakuru vedu navanhu vose vomunyika medu vakatiti, ‘Torai mbuva mupinde munzira mundochingudzana navo, muvati, tiri varanda venyu, tiri kukumbirawo kuti tiite chitenderano nemi.’ 12Tarisai muone chingwa chedu chembuva. Izvozvi musi watakasimuka tichiuya kwamuri, chakanga chichitopisa patakachitora mumba. Asi iye zvino chionai chaoma kuti papata, chatova nechiundudzi. 13Zvigubhu zvedu zvewaini zvematehwe izvi zvaiva zvitsva patakazvizadza, asi chitarisai muone zvatomwauka. Hanzu dzedu neshangu dzedu idzi dzatosakara pamusana perwendo rwacho rwakareba zvikuru.”
14Ipapo varume veIsiraeri vakadya zvavo zvokudya zvavanhu ivavo vasina kumbobvunza kuti Tenzi anoti kudii nenyaya yacho. 15Joshuwa akabva awirirana navo ndokuita chitenderano navo chokuti achavarega vari vapenyu. Vatungamiri vegungano vakavavimbisawo saizvozvo.
16Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokuita chitenderano navo, vakazonzwa kuti vakanga vari vavakidzani navo, vakanga vagere pedyo navo. 17VaIsiraeri vakafamba kwamazuva matatu vakandosvika kumaguta evanhu ivavo. Maguta acho aiti Gibheoni neKefira neBheeroti neKiriatijearimu. 18Asi vaIsiraeri havana kuvauraya nokuti vatungamiriri vegungano vakanga vapika naTenzi Mwari wavaIsiraeri. Vanhu vose vakabva vanyunyutira vatungamiriri. 19Vatungamiriri vose vakaudza gungano rose kuti “Takavapikira naTenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvino hatikwanisi kana kumbovabata-bata zvedu. 20Zvatichaita kwavari ndezvizvi, tichavarega zvedu vari vapenyu kuti tirege zvedu kuvirukirwa nehasha pamusana pemhiko yatakapika kwavari.” 21Vatungamiriri vakati kuvanhu, “Varegei vari vapenyu.” Saka vanhu ivava vakava vokutemera gungano huni nokuvatekera mvura sokutaura kwakaita vatungamiriri kwavari.
22Joshuwa akavadaidza akati kwavari, “Ko makatinyengedzererei muchiti, ‘Tinogara kure kwazvo nemi.’ Nyamba imi munogara zvenyu pedyo nesu kudai. 23Saka naizvozvo matopinda rushambwa, vamwe venyu muchagara muri varanda vokutemera huni, nokutekera mvura imba yaMwari wangu.”
24Vakapindura Joshuwa vachiti, “Takaita izvozvi nokuti isu varanda venyu takanga tanyatsorondedzerwa zvakatemwa naTenzi Mwari wenyu akazvipa kuna Mosesi muranda wake zvokuti ari kukupai nyika iyi yose achifanokuurayirai vanhu vose vomo. Takabva tatyira upenyu hwedu ndokubva taita izvozvi. 25Zvino isu tiri mumaoko enyu. Itai zvenyu nesu zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka zvakakodzera.” 26Ndizvozvo zvaakaita kwavari akavanunura mumaoko avaIsiraeri vakarega kuvauraya. 27Kubvira pamusi iwoyo kusvikira pari nhasi, Joshuwa akavaita vatemi vehuni navateki vemvura vegungano neveatari yaTenzi pose pose paainge asarudza.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 9: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda