Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 8

8
1Asi Jesu akaenda kugomo remuorivhi. 2Mangwanani ngwanani, akaendazve kuTemberi. Vanhu vose vakauya kwaari akagara pasi achivadzidzisa.
3Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakauya kwaari nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamumisa pakati vakati kuna Jesu, 4“Mudzidzisi mukadzi uyu abatwa ari mukuita upombwe. 5Zvino muMutemo, Mosesi akati tinofanira kutaka namabwe munhu akadai. Zvino imi munoti kudii naye?” 6Izvi vakataura vachida kuti vamunzwe kuitira kuti vawane mhosva yokumupa. Jesu akakotama akanyora pasi nomunwe wake. 7Pavakaramba vachingomubvunza akati twasu kumira ndokuti kwavari, “Uyo asina chitadzo pakati penyu ngaatange kumukanda dombo.” 8Ndokukotamazve onyora pasi nomunwe wake. 9Pavakazvinzwa vakaita rumwerumwe kubuda kuchitanga navakuru vacho. Jesu akasiiwa angova oga nomukadzi uya amire pamberi pake. 10Jesu akasimudza musoro akati kwaari, “Nhai mudzimai iwe vari kupi vaya? Hakuna neakupa mhosva here?” 11Iye akati, “Hapana changamire.” Jesu akati, “Kana neniwo handikupi mhosva chienda hako usazotadzazve.”
Jesu mwenje wapasi
12Jesu akataurazve kwavari achiti,
“Ndini mwenje wapasi
anonditevera haafambi murima
achave nechiedza choupenyu.”
13VaFarisei vakati kwaari, “Uri kuzvipupurira. Kuzvipupurira kwako hakusi kwechokwadi.” 14Jesu akapindura achiti,
“Kunyange zvangu ndichizvipupurira,
kuzvipupurira kwangu ndekwechokwadi
nokuti ndinoziva kwandinobva uye kwandinoenda,
asi imi hamuzive kwandinobva uye kwandinoenda.
15Imi munotonga namatongero avanhu,
ini hapana wandinotonga ndichidaro.
16Kunyange dai ndaitonga zvangu,
kutonga kwangu ndekwechokwadi
nokuti handitongi nokwangu ndoga,
asi pamwechete naiye wakandituma.
17Mumutemo wenyu makanyorwa kuti
uchapupu hwavaviri ndehwechokwadi.
18Ndinozvipupurira
uye Baba vakandituma vanondipupurirawo.”
19Vakati kwaari, “Ivo Baba vako varipiko?” Jesu akavapindura achiti,
“Hamundizivi uye hamuzivi Baba vangu.
Dai maindiziva mazivawo Baba vangu.”
20Mazwi aya akaataura ari nechekwaichengeterwa mari achidzidzisa ari muTemberi. Asi hapana akamusunga nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21Akatizve,
“Ndava kuenda, imi muchanditsvaka
asi muchafira muzvitadzo zvenyu.
Kwandiri kuenda, imi hamukwanisi kuuyako.”
22VaJudha ndokuti, “Achazviuraya here zvaari kuti kwandinoenda hamukwanisi kuuyako?” 23Akati kwavari,
“Imi munobva pasi,
ini ndinobva kumusoro,
imi muri vapasi pano,
ini handisi wapasi pano.
24Ndakutaurirai kuti
muchafira muzvitadzo zvenyu
kunze kwokunge matotenda kuti,
‘Ndiri iye wandiri.’ ”#8:24 Ndiri iye wandiri: Iri ndiro zita raMwari raakataurira kuna Mosesi. (Tarisa uone Kubuda 3:14–15)
25Vakati kwaari, “Iwe ndiwe ani iwe?” Jesu akati kwavari,
“Handiti ndizvo zvandambokutaurirai pakutanga.#8:25 Pakutanga: Tarisa 8:19.
26Ndine zvizhinji zvandingataure nezvenyu,
uye ndine zvakawanda zvandingakupei mhosva nazvo.
Asi iye akandituma ari pachokwadi
saka ndinoparidza pasi pose zvandakanzwa kwaari.”
27Asi havana kunzwisisa kuti aivataurira nezvaBaba. 28Naizvozvo Jesu akati kwavari,
“Kana masimudza Mwanakomana womunhu
ndipo pamuchaziva kuti, ‘Ndiri iye wandiri,’#8:28 Ndiri iye wandiri: Iro ndiro zita raMwari raakataurira kuna Mosesi. (tarisa uone Kubuda 3:14–15)
uye kuti handiiti zvomusoro wangu
asi kuti ndinotaura zvandinenge ndatoudzwawo naBaba.
29Iye akandituma aneni.
Haana kundisiya ndiri ndoga
nokuti ndinogaroita zvinomufadza.”
30Nokutaura kwaaiita ikoko vazhinji vakatenda maari.
Kusiyana kwenhapwa navavo vari murusununguko
31Jesu akati kuna vaJudha vakanga vatenda maari,
“Kana mukagara muchichengeta izwi rangu,
muri vadzidzi vangu chaivo
32uye muchaziva chokwadi,
uyezve chokwadi chichakupai rusununguko.”
33Vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu hatisati tambova varanda vomumwe munhu. Zvino ungagotaura sei uchiti muchawana rusununguko?” 34Jesu akavapindura achiti,
“Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri,
munhu wose anopara chitadzo muranda wechitadzo.
35Mumhuri, muranda mupfuuri chete,
asi mwana ndewemo nokusingaperi.
36Saizvozvo kana Mwanakomana
akakupai rusununguko muchava norusununguko ruzere.
37Ndinozviziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu,
asi munoda kundiuraya
nokuti izwi rangu hariwani nzvimbo mamuri.
38Ini ndinotaura zvandakaona kuna Baba vangu.
Imiwo munoita zvamakanzwa kunababa venyu.”
39Vakamupindurawo vachiti, “Abhurahamu ndivo Baba vedu.” Jesu akavati,
“Dai muri vana vaAbhurahamu
mungadai muchiita zvaiitwa naAbhurahamu.
40Asi zvino munoda kundiuraya;
ini ndiri munhu akakutaurirai chokwadi
chandakanzwa kuna Mwari.
Izvi hazvisirizvo zvaiitwa naAbhurahamu.
41Imi munoita zvinoitwa nababa venyu.”
Ivo vakati kwaari, “Isu hatisi vana vomusango. Tina Baba mumwechete, iye Mwari pachake.” 42Jesu wakavati,
“Dai Mwari ari Baba venyu mungadai muchindida
nokuti Mwari ndiye dzinde rokwandinobva.
Handina kungouyawo zvomusoro wangu
asi iye ndiye akandituma.
43Hamunzwisisi sei zvandinotaura?
Chikonzero ndechokuti
imi hamudi kunzwa zvandinoreva.
44Imi muri vana vababa venyu Dhiabhori
uye chamakasarudza,
kuita zvinodiwa nababa venyu.
Iye akanga ari mhondi kubvira pakutanga,
uye haanei nechokwadi
nokuti maari hamuna chokwadi.
Kana achireva nhema,
ari kutotaura maererano nezvaari
nokuti iye munyepi uye ndibaba wamanyepo.
45Pamusana pokuti ndinotaura chokwadi, hamunditendi.
46Ndiani pakati penyu
anganditi ndine mhosva yechitadzo?
Ko zvino kana ndichitaura chokwadi
ngei musingatendi mandiri.
47Munhu waMwari
anonzwa zvinotaurwa naMwari
nezvo imi hamuzvinzwi
nokuti hamusi vanhu vaMwari.”
Jesu naAbhurahamu
48VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatina kutaura chokwadi here isu kuti iwe uri muSamaria, uye kuti una mweya wakaipa?” 49Jesu akapindura achiti,
“Ini handina mweya wakaipa.
Ini ndinoremekedza Baba vangu
asi imi munondishora.
50Asi ini handitsvaki mbiri yangu
asi aripo mumwe anonditsvakira
iyeyo ndiye achava mutongi.
51Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri
munhu akachengeta shoko rangu
haambofa akaona rufu.”
52VaJudha vakati kwaari, “Zvino tava kuziva kuti une mweya wakaipa Abhurahamu; akafa vaporofitawo vakafa; asi iwe unoti munhu akachengeta shoko rangu haambofa akaona rufu. 53Uri mukuru here pana baba vedu Abhurahamu akafa iwe uye vaporofita vakafa? Unozviti ani iwe?” 54Jesu akati,
“Ini ndikazvirumbidza
mbiri yangu haina maturo,
Baba vangu ndivo vanondirumbidza,
ivo vamunoti ndivo Mwari wenyu.
55Imi hamundizivi
asi ini ndinovaziva.
Kana ndikati handizivi,
ndingatova munyepi semi;
asi ini ndinovaziva
uye ndinochengeta izwi ravo.
56Tateguru venyu Abhurahamu
vakafarira kuti dai aizongoonawo nguva yangu
akaiona akafara.”
57VaJudha vakati kwaari, “Iwe hausati wava namakore makumi mashanu ndopaungati wakaona Abhurahamu iwe?” 58Jesu akavati,
“Zvechokwadi chaizvo
Abhurahamu asati ambovapo
INI NDIRI.”#8:58 INI NDIRI: Iri izita raMwari raakazvipa iye pachake. (Tarisa uone Kubuda 3:14)
59Naizvozvo vakanonga matombo kuti vamutake nawo asi Jesu akavanda akabva abuda muTemberi.

Zvasarudzwa nguva ino

Johani 8: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda