Jeremiya 7
7
B: ZVAKAONESWA JEREMIYA ZVIKURU MUNGUVA YAJEHOYAKIMU
Kunamata kwechokwadi
(1) Zvinonangana neTemberi
1Iri ndiro izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti, 2“Mira pasuo guru remba yaTenzi uzivise vanhu ipapo shoko iri, uti inzwai shoko raTenzi imi mose vokwaJudha munopinda napamisuo mikuru ino iyi muchindonamata Tenzi. 3Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, ‘Gadziridzai nzira dzenyu nezviito zvenyu, iniwo ndipo pandichakuitai kuti mugare munzvimbo ino.’ 4Regai kuvimba namazwi aya anonyengedza muchingoti, ‘Iyi iTemberi yaTenzi, Temberi yaTenzi, Temberi yaTenzi.’
5“Chiripo ndechokuti kana mukanyatsogadziridza nzira dzenyu namaitiro enyu, muchinyatsoitirana zvinhu zvine ruenzaniso 6mukaregawo kudzvanyirira muuyi kana nherera kana chirikadzi, kana zvokudeura ropa romunhu asina mhosva munzvimbo ino, uyewo kana mukakanda pasi zvokuteveredzana navamwe vamwari zvinokupinzai munhamo, 7ndopandichakuregai makagara munzvimbo ino, munyika yandakapa kare kumadzibaba enyu narini narini wose.
8“Chinzwai, izvozvi imi muri kungovimba namazwi anonyengedza zvisina chimuko. 9Mungati here imi maba, mauraya munhu, maita upombwe, mapika zvenhema, mapisira rusenzi kuna Bhaari matevedza vamwe vamwari vamusingazivi 10pedzepo mouya kuzomira pandiri muimba ino, imba inodaidzwa nezita rangu muchitoti zvenyu, ‘Takaponeswa isu,’ imi muchingoenderera mberi chete kuita zvinondisemesa zvose izvi? 11Ko iyo imba iyoyi inodaidzwa nezita rangu, mukuona kwenyu yatova bako remakororo nhai? Chinzwai, ini iyeni ndakatozviona, ndizvo zviri kutaura Tenzi. 12Asi chimboendai kunzvimbo yangu yaiva kuShiro, kwandakamboisa zita rangu pokutanga muone zvandakaita kwairi pamusana pouipi hwavanhu vangu vaIsiraeri. 13Zvanzi naTenzi zvino pamusana pezvose zvamakaita izvi, pandakaramba ndichingotaura kwamuri, imi makarega kuteerera. Pandakakushevedzai hamuna kudaira. 14Naizvozvo ndichaita kuimba iyi inodaidzwa nezita rangu, yamunovimba nayo yacho uye kunzvimbo yandakapa kwamuri nokumadzibaba enyu, sezvandakaita kuShiro. 15Ndichakudzingirai kure neni sokudzinga kwandakaita hama dzenyu dzose dzechizvarwa chokwaEfuremu.”
(2) Vamwari vasirivo
16“Iwe rega kunamatira vanhu ivava kana kuvaisira chichemo kana munamato. Usavateterere kwandiri nokuti handimbokuteerera. 17Hausi kuona here zvavari kuita mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu? 18Vana ndivo vokutsvaga huni madzibaba acho achikuhwidza moto madzimai varivo vokukanya mukanyiwa wokubikisa zvingwa zvokupira kuna vahosi vamambo wedenga. Vanotoita mipiro yokuteura kune vamwe vamwari kuti vandishatirise. 19Wavari kurwadzisa ipapa ndini here? Ndozviri kutaura Tenzi. Havasi kutozviparira zvavo here vachitozodzungaira? 20Naizvovo zvanzi naTenzi Mwari tarisa uone ndava kuvirukira nzvimbo ino nehasha ndakashatirirwa vanhu nemhuka nemiti yesango nemichero yenyika. Uchava moto moto usingadzimurike.”
(3) Kunamata kwechipameso
21Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, iye Mwari weIsiraeri, “Wanziridzai zvenyu iyo mipiro yenyu yokupisa kututsira zvibayiro zvenyu muchidya nyama dzacho. 22Chiripo ndechokuti musi wandakavaburitsa munyika yeIjipiti, handina ini kutaurira madzitateguru enyu kana kuvapa somurao nezvemipiro yokupisa kana nezvezvibayiro. 23Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti,
“Teererai zvandinoreva
ini ndichava Mwari wenyu
imi muchava vanhu vangu
mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei.
24Asi havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatotevedza zvomusoro wavo nemwoyo yavo yakapanduka yakaipa vakadzokera shure kunze kwokuti vatoenda mberi. 25Kubvira zuva rakabuda madzitateguru enyu munyika yeIjipiti kusvikira pari nhasi, ndanga ndichingovatumira varanda vangu vose vaporofita mangwana mangwana. 26Asi havana kumbonditeerera kana kurerekera nzeve dzavo. Vakatoomesa musoro vakatoita zvakaipa kupinda madzibaba avo.
27“Ipapo uchataura zvako mazwi ose iwaya kwavari asi havambokuteerera. Uchavashevedza zvako asi havambokudavira. 28Asi unofanira kuvataurira kuti, rudzi urwu, rudzi rwavanhu vasingateereri zvinotaura Tenzi, Mwari warwo, rudzi rwavanhu vasingadzoreke. Mavari, chokwadi chakapera, pamuromo pavo hapachambobuda chokwadi.
(4) Kumwewo kunamata vamwari vasirivo
29“Vevurai vhudzi renyu murirase,
tangai kuungudza pamitunhu yakatunhumara
nokuti Tenzi aramba akafuratira
chizvarwa ichi chevanhu ava
chaachapedzera shungu dzehasha dzake.
30“Chiripo ndechokuti, vokwaJudha vakaita zvakaipa mumaziso mangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vakaisa zvinosemesa mumba inodaidzwa nezita rangu kuin'oresa. 31Vakavakawo nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuBisiro#7:31 Bisiro: Ndozvinoreva zita rechiHebheru rokuti Tofeti. nzvimbo iri mubani roMwanakomana wokwaHinomu pokupisira sechibayiro vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Izvozvo zvinhu zvandisina kumbotema ini uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu. 32Naizvozvo, chinzwa, zvanzi naTenzi kuchasvika mazuva aisiri kuzombonzizve kuBisiro kana kunzi kuBani reMwanakomana wokwaHinomu. Asi kuchatonzi kuBani rokuDeurirwa ropa, nokuti vachatoviga vanhu kuBisiro ikoko pamusana pokuti kumwe kose kuchange kusisina nzvimbo. 33Uye zvitunha zvavanhu ivava zvichave chokudya cheshiri dzedenga nezvikara zvenyika pasina anozvidzinga. 34Ndichagumisa mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho pamusana pokuti nyika ichasara isisina chinhu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremiya 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.