Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 14:8-20

Vatongi 14:8-20 SCLBD

Kwakati perei chinguva, Samusoni akadzokera ikoko kundotora mukadzi wake. Akambotsauka munzira achida kundoona chitunha cheshumba chiya wanei mukati meshumba iya mune bumha renyuchi nouchi. Akahukwaturira muruoko rwake ndokupfuura nerwendo rwake, oenda zvake achihudya. Akasvika kuna baba naamai vake, akavapawo humwe, ndokubva vadya zvavo. Asi haana kuvaudza kuti hwabva muchitunha cheshumba. Baba waSamusoni akadzikawo kumusha kwomuroora wavo. Samusoni akaita mabiko ikoko, setsika yaiitwa navakuwasha. Veko pavakamuti bha kumuona, vakamupa vaperekedzi, varume makumi matatu. Samusoni akati kwavari, “Regai ndikuitirei chirahwe changu, kana mukagona kundiudza zvachinoreva mumazuva manomwe aya amabiko, mukachidudzira, ini ndichakupai makumi matatu epesa dzamachira erineni namakumiwo matatu ehanzu dzapamabiko. Asi mukatadza kuchirapanura imi ndimi muchandipa pesa dzamachira erineni makumi matatu namakumiwo matatu ehanzu dzapamabiko.” Vakamuti, “Tiitire chirahwe chako tinzwe.” Akavati, “Mune chinodya makabva chokudya, mune chine simba mukabva dapurahunanzva.” Mazuva matatu ose vakakoniwa kurapanura chirahwe chake. Pazuva rechina vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume vako, atiudze zvinoreva chirahwe ichi, nokuti tingatokupisai nomoto imi mose nemhuri yababa wako. Heya makatikoka kuno kuti muzotipinza urombo nhai?” Mukadzi waSamusoni akamuchemera achiti, “Unondivenga chete, haundidi. Wakaitira chirahwe vanhu vorudzi rwangu, asi hauna kundiudza zvachinoreva.” Samusoni ndokuti, “Chinzwaka! Baba wangu naamai vangu, handina kumbovataurira! Chandingazoudzirawo iwewe chii?” Mukadzi uyu akamuchemera kwamazuva manomwe mazuva ose amabiko avo. Kuzoti rava rechinomwe Samusoni akazomuudza nokuti mukadzi wake akangoramba ati naye nanga nanga, akabva andoudza vanhu vorudzi rwake zvachinoreva. Zuva risati radoka pazuva rechinomwe iroro, vanhu vomuguta iri vakati kuna Samusoni, “Chii chinotapira kupinda uchi? Chii chine simba kupinda shumba?” Iyewo akavati, “Heede, dai musina kutorima netsiru rangu mungadai musina kuziva chirahwe changu.” Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo. Akadzika kuAshikeroni akauraya makumi matatu avarume vomuguta iroro, akapamba zvinhu zvavo, akandopa hanzu dzamabiko kune vaya vakanga varapanura chirahwe chiya. Akagumbuka kwazvo, akadzokera kumusha kwababa vake. Mukadzi waSamusoni akazova mukadzi womumwe wake, aiva muperekedzi wake.

Verenga chikamu Vatongi 14