Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku raIsaya rina zvikamu zvikuru zvitatu. Kunyange zvazvo bhuku iri rakatumidzwa nezita rokuti Isaya, bhuku iri rinoratidza kuti rine vanyori vatatu. Asi munyori mukuru ana mafungiro ari kuedza kusvitswa kuvanhu, ndiIsaya.
Chidimbu chokutanga (1–39) chinotaura chakanangana navaJudha. Imomo vanotaurirwa kuti chinetso chikuru chavo haisi nhamo yeAsiria asi zvitadzo zvavo nokunamata kwavo kusina maturo uye kusateerera. Izvozvo, Isaya aivatsidzira kuti kuchauya runyararo rwapasi pose.
Chidimbu chechipiri (40–55) chakanyorwa vaIsiraeri pavakanga vari muutapwa kuBhabhironi makore anenge mazana maviri. Chidimbu chokutanga chakanga chatonyorwa kare. Chakanyorerwa kunyaradza vaIsiraeri vakanga vava kurasa mwoyo, vasisina chitarisiro chokudzokera kunyika yavo yeIsiraeri. Chinoratidzazve kuti Mwari ane purani yake yokununura vanhu vapasi pose tarisa (Vaefeso 1:10).
Chidimbu chechitatu (56–66) chinoratidzazve kuti munyori akanga ava kunyorera vaIsiraeri vakanga vadzoka kuutapwa vava munyika mavo muJerusaremu. Vanhu vaida kusimbiswa mukuvimba kwavo naMwari kuti achengete chivimbiso chake choruponeso rwavanhu vose (tarisa 61:1–2; Ruka 4:18–19).
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raIsaya
Mwari anoyambira vaIsiraeri achivapawo chitsidzo (1:1—12:6)
Yambiro yakapiwa kumarudzi (13:1—23:18)
Kutonga kwaMwari kwapasi pose (24:1—27:13)
Mazwi akataurwa kuna Isiraeri naJudha (28:1—35:10)
Yambiro dzimwe nezvitsidzo zvimwe (36:1—39:8)
Shoko rechitsidzo chaMwari nechitarisiro (40:1—55:13)
Yambiro uye zvitsidzo (56:1—66:24)

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya Zviri mubhuku rino: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda