Kuzoti mazuva matatu apera Josefi akati, “Ini ndinotya Mwari. Kana muchida kurarama chiitai zvandichareva. Kana muri vanhu vanovimbika mumwe wenyu ngaasare ari mujeri. Vamwe vose moenda zvenyu nezvokudya zvokundopa mhuri dzenyu dzine nzara, mozouya kwandiri nomunun'una wenyu wokupedzesera ndipo pachaonekwa kana zvamuri kutaura zviri zvechokwadi, murege kufa.”
Vakaita saizvozvo. Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.”
Ipapo Rubheni akavati, “Muchiri kuyeuka here zuva riya randakati kwamuri regai kuitira mwana zvakaipa, mukaramba kunditeerera? Zvino maonaka ropa romunun'una wedu rava kutipfukira.” Vakanga vasingazivi kuti Josefi ainzwa zvavaitaurirana nokuti Josefi akanga achiturikirwa. Josefi akasuduruka akandosvimha misodzi. Akadzokazve akataura navo, akazotora Simeoni ndokumusunga, vamwe vose vachizviona.
Josefi akarayira kuti tsapo dzavo dzizadzwe nembesanwa. Akatiwo mari yomumwe nomumwe idzoserwe mutsapo yake, vapiwewo mbuva yaparwendo. Vakaitirwa saizvozvo. Ipapo vakatakudza madhongi avo tsapo dzembesanwa vakapinda munzira. Kuzoti vasvika pavakarara, mumwe wavo akasunungura tsapo yake kuti ape dhongi rake zvokudya, wanei mari yake iri pamuromo wetsapo yake. Akataurira vamwe vake, achiti, “Ndadzoserwa mari yangu iyi, tarisai muone iyi iri pamuromo wetsapo yangu.” Vakarohwa nehana vakadedereswa nazvo. Vakataurirana vachiti, “Ko Mwari aitireiko kudai?”
Pavakasvika kuna baba wavo Jakobho kuKanani vakavarondedzera zvose zvakanga zvaitika kwavari vachiti, “Murume watakaona'ku, changamire wenyika iyoyo akatijinyura achititi, tiri vasori vauya kuzoongorora nyika iyoyo. Asi isu takamuti, ‘Tiri vanhu vanovimbika hatisi vasori. Tiri vakomana gumi navaviri, vana vomunhu mumwechete. Asi mumwe wedu akatisiya. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa vedu kuKanani.’ ” Ipapo murume iyeyo, changamire wenyika iyoyo akatiti, “Ini ndichaziva kuti muri vanhu vanovimbika kana masiya mumwe wenyu kuno. Imi vamwe mose motora zvenyu mbesanwa muende kundopa mhuri dzenyu dziri munzara. Mukauya nomunun'una wenyu wokupedzesera, ndipo pandichaziva kuti hamusi vasori, asi kuti muri vanhu vakavimbika. Ipapo ndichazokudzoserai mumwe wenyu, mozoita zvenyu mhindu dzokushava nadzo mari munyika ino.”
Pavakanga vodurura mbesanwa dzavo, vakawana mutsapo yomumwe nomumwe muine mari yake yakapfundirwa papfundo. Ivo nababa wavo pavakaona mapfundo emari yavo vakarohwa nehana vakatya. Baba vavo, Jakobho vakati, “Zvino mandipedzera vana vangu. Josefi haasisipo. Simeoni haasisipo zvakare. Zvino munoda kutorazve Bhenjamini! Izvi zvose zvandiwira!”
Rubheni akapindura baba vake achiti, “Kana ndikasadzoka naBhenjamini, urayai zvenyu vana vangu vakomana vari vaviri. Muisei mumaoko angu, ndini ndinodzoka naye kwamuri.” Asi Jakobho akati, “Mwana wangu haamboenda nemi. Mukoma wake akafa. Ndiye oga angosara. Dzimwe nguva angawane chinomuwana munzira. Kana mukadaro muchaita kuti ini ndachena musoro kudai ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.”