Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 42:18-38

Genesi 42:18-38 SNA2002

Josefa akati kwavari nezuva retatu, “Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari; kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanunguna venyu ngaagare akasungwa mutorongo yenyu; asi imi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara. Mugouya nomun'una wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa.” Vakaita saizvozvo. Vakataurirana vachiti, “Zvirokwazvo tine mhosva nokuda kwomun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika kwomweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutambudzika.” Ipapo Rubheni akapindura, akati, “Handina kukuudzai here, ndichiti, ‘Regai kutadzira mwana,’ mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.” Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo. Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simeoni pakati pavo, akamusunga vachizviona. Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda. Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake. Akati kuhama dzake, “Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora mwoyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, ‘Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?’ ” Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira; vakati, “Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika. Tikati kwaari, ‘Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori; tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.’ ” Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, “Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, ‘Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.’ Mugouyazve kwandiri nomun'una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai mun'una wenyu, mugotenga panyika ino.” Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo. Zvino Jakobho akati kwavari, “Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimeoni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.” Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, “Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.” Vakati, “Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.”

Verenga chikamu Genesi 42