Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 39:10-23

Mavambo 39:10-23 SCLBD

Kunyange zvake mudzimai uyu akanyengetedza Josefi zuva nezuva, Josefi akaramba kumuteerera akaramba kuita chakaipa naye kana kutandara naye. Mumwe musi Josefi akapinda mumba achindoita basa rake, vamwe varanda vakanga vasimo. Pakarepo mudzimai uyu akamuti ndu-u hanzu yake achiti, “Rara neni.” Ipapo Josefi akapukunyura akabva asiya hanzu yake muruoko rwomudzimai uyu ndokutizira panze. Mudzimai uyu paakaona kuti Josefi apukunyura akasiya hanzu yake muruoko rwake achitizira panze, akadaidza varanda vepamba pake vechirume akavati, “Mazvionaka! MuHebheru uyu watakaunzirwa ava kutivirimira. Auya achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. Zvaanzwa mhere yandaridza asiya hanzu yake akabva atizira panze.” Mudzimai uyu akachengeta hanzu yaJosefi kusvikira tenzi wake vadzokera kumba. Akamutaurira kuti, “Muranda uyu wechiHebheru wamakatiunzira pano, auya kuzondivirimira. Asi pandaridza mhere abva asiya hanzu yake akatizira panze.” Tenzi wake akatsamwa zvikuru paakanzwa zvakataurwa achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa nomuranda wenyuka izvi.” Akabva aisa Josefi mujeri maisipfigirwa vasungwa vamambo. Nokudaro Josefi akapfigirwa mujeri akagaramo. Asi Tenzi aiva naJosefi, akaramba achimuitira mwoyochena, akaita kuti mutariri wejeri amuitire mwoyo wakanaka. Mutariri wejeri akaisa vasungwa vose vakanga vari mujeri mumaoko aJosefi. Zvose zvaiitwa mujeri zvaitariswawo naJosefi. Mutariri wejeri haaimbozvinetsa nezvinhu zvaitariswa naJosefi nokuti Tenzi aiva naJosefi achimubatsira kuti zvose zvaaiita zvibudirire.

Verenga chikamu Mavambo 39