Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 39:10-23

Genesi 39:10-23 SNA2002

Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze. Zvino akati achiona kuti asiya nguo yake muruoko rwake, atiza, aenda, akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru. Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatiza, akabuda panze.” Akachengeta nguo yake kusvikira tenzi wake achipinda mumba. Akataura kwaari mashoko iwayo akati, “Muranda muHebheru awakaisa pakati pedu, akauya kwandiri kuti andidadire. Ndikadanidzirisa, ndikaridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatizira panze.” Tenzi wake akati achinzwa mashoko aakaudzwa nomukadzi wake, achiti, “Ndizvo zvandaitirwa nomuranda wako,” hasha dzake dzikamuka. Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo. Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

Verenga chikamu Genesi 39